Vamwene, muroora nasahwira tiba

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Vamwene, muroora  nasahwira tiba

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUROORA akapotera kudare achida gwaro rerunyararo kubva kuna vamwene vake neshamwari yavo avo vaanoti vari kumupomera kuti ari kufamba achitaura mashoko ekuti mwana wavo mucheche haasi wavatezvara vake, asi wechikomba.

Revai Smoke akamhan’arira Fortunate Jonasi, uyo anova vamwene vemunin’ina wake, nasahwira wake Esnath Kararira kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare. Mutongi Nyasha Marufu akapa Smoke gwaro rinomuchengetedza.

Smoke anoti Jonasi anomupomera kuti anoudza vanhu kuti mwana waanaye ndewechikomba.

“Fortunate ndivamwene vemunin’ina wangu uye vanotogara vose. Dambudziko rangu riri pakuti Esnath akamuudza kuti ndakati mucheche waainaye haasi wemurume wake asi kuti ndewechikomba.

“Vakauya kumba kwangu vachida kubvunza nyaya iyi vakanditukirira. Vaitoda kundirova asi vakazobatwa nevanhu vaivepo,” anodaro.

Smoke anoti Jonasi naKararira vanomutuka nezvinyadzi pamberi pevana vake.

“Vakauya vose naEsnath, achindituka zvinonyadzisira pamberi pevana vangu. Zvavaiti ndakataura handina kumbozvitaura ini ndakatozvinzwa zvichitaurwa nevamwe vekumaraini kwedu. Ini ndoita zvekutengesa saka ndipo pandakazvinzwa,” anodaro.

Smoke anoenderera mberi: “Pavakauya, handina kupindura Fortu nokuti ndivamwene saka munyarikani asi Esnath ndakachinjana naye mashoko, ndiye wandakatukana naye.”

Achipawo divi rake, Jonasi anotsinhira kuti akatuka Smoke achimupomera kuti anoda kupunza imba yake.

“Ndakamutuka nokuti ainge anditukawo. Anofamba achitaura kuti mwana wangu haasi wemurume wangu asi kuti ndewaGerald.

“Handina munhu wandinoziva anonzi Gerald. Iye ndiye ari kundishaisa rugare nekuti zvaakataura zvava kukanganisa imba yangu.

“Ndiye anotobvongodza runyararo rwangu,” anodaro Jonasi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey