Uncategorized

‘Vana ngavagare neni baba’

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MUMWE murume akachema-chema mudare achida kupihwa mvumo yekugara nevana vake sezvo ari kuti pari zvino vari kuita upenyu hwekutamburira asi iye aine dzimba mbiri dzakakura dzekuti vanokwanisa kugara vakafaranuka.Mudyiwa Chinwa akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira aimbove mudzimai wake, Everjoy Madyo, achida kupihwa mvumo yekugara nevana vavo. “Ndinokumbirawo kuti ndipihwe vana nekuti magariro avakaita handisi kuayemura. Zvinondirwadza kuti ini ndine imba hombe yakafaranuka, asi vana vangu vari kugara zvekutamburira.

“Ndine dzimba mbiri, imwe iri kuDamafalls, imwe kuMhondoro growth point. Dzimba dzangu dzose dziri pedyo nezvikoro zvekuti vana vangu vanenge vachingofamba mamita mashoma kuti vasvike kuchikoro. Izvozvi vana vari kufamba chinhambo chikuru kuti vasvike kuchikoro,” akadaro Chinwa.

Chinwa akati agara ndiye anobhadhara mari yevana yechikoro.

“Vana vangu ndiri kuchengeta, kubva pane zvekupfeka nezvekudya saka ndave kuda kuti vauye kumba. Handioni chavari kundinyimira vana asi zvakavanakira kuti vauye kumba. Pandakapedzisira kuona vana mumwe wacho aive nemaronda mumusoro asina kurapwa, mumwe achiita seane kwashi kuratidza kuti vana havana kugara mushe,” akadaro. Madyo akapikisana nemashoko aChinwa achiti: “Vana vangu vakagara zvakanaka naamai vangu. Amai vangu ndivo vanoita zvose. Ini hangu ndava nemumwe murume nemhuri asi handidi kuti vana vangu vaende kunogara pedyo neni pandinovaona.”

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey