Uncategorized

‘Vana tizai, amai venyu murwere’

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
MUMWE mukadzi akasvimha misodzi mudare achiti akatizwa nevana vake apo akange aenda kunovaona kuchikoro kwavanodzidza vachiti vakaudzwa nababa vavo kuti ane mukondombera uye anogona kuvatapurira.

Talent Mazhero akaudza dare reHarare Civil Court kuti James Gezane ari kumushungurudza zvakanyanyisa.

Akaudza mutongi wedare iri Barbra Mateko kuti: “Changamire, ndauyawo kuno nekuti ndashungurudzwa nemurume wamunoona amire apa uyu. Takazvara vana vatatu tose asi iye zvino akatora vana ave kugara navo. Ndakanzwa nerunyerekupe kunzi vana havasi kubhadharirwa chikoro nababa vavo.”

Anoti akaenda kuchikoro kunodzidza vana vavo ndokuvhunza varairidzi pamusoro pekubhadharwa kwemari yechikoro akaudzwa kuti mukuru wacho aive asina kubhadharirwa mari yetemu imwe chete uye mudiki matemu maviri.

“Pandakati ndimbotaurewo nevana ndivabvunze kuti vainge vachigara sei nababa vavo, ndakaenda pavaitamba kuchikoro asi pandakavadaidza vakatanga kuchema vachitiza vachidaidzira kuti, ‘Amai mune mukondombera takanzi nababa tisataure nemi munotizadza chirwere,’” akadaro Mazhero achisvimha misodzi.

“Murume uyu (Gezane) anoti pose paanondionera mumugwagwa muzere vanhu anotanga kundituka achinditi, ‘Kamurwere kemunhu, rwendo rwuno HIV inokukorovedza chete,’” akadaro Mazhero.

Gezane haana kupokana nechikumbiro chaMazhero asi akati anobatikana zvikuru nekuda kwehurwere hwake.

“Ini handipokane nechikumbiro chake mukadzi uyu. Asi ndinogara ndichibatikana kuti chirwere akachitora kupi nekuti ini handina AIDS.

“Akanditiza paakaenda kuSouth Africa paakasiya anyora katsamba akanoita mwedzi mishanu ariko ini ndikasara ndichitambudzika nevana ndega vari vadiki.

“Paakadzoka, akauya asina kana sendi muhomwe ndikanomutora paRoadport (muguta reHarare) nekuti mukadzi wangu ndaimuda.

“Adzoka, akatanga kuita zvezvikomba achisiya vana vachiswera nenzara achienda kuzvikomba. Ini pandaizobva kubasa ndaiona vana vakachena miromo nenzara saka ndipo pandaizobatikana ndobva ndazomuudza kuti ndozvakaita kuti uwane chirwere nekuti ndinenge ndabatikana,” akadaro.

Mutongi Mateko akapa Mazhero gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanirwa kutaurirana murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey