Uncategorized

‘Vana vangu vanogara mudanga renguruve’

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MURUME wekuti vana vake vari kugara mumba mune huchapa hunodarika mudanga renguruve achida kuti apihwe mvumo yekugara navo sezvo akarambana neambove mukadzi wake akazobva kudare musoro umire zvichitevera kuraswa kwakaitwa chimbiro chake.

Garikai Muvhimi akamhan’arira Rachel Pavari kuHarare Civil Court achiti ari kutadza kuchengeta vana vavo vatatu zvakanaka.

Akati: “Ishe wangu, handina mufaro nemachengeterwo ari kuitwa vana vangu nemukadzi uyu. Ndiri kuona kuti kurambana kwatakaita iye akaenda nevana kwava kuita kuti abate vana nekuseri kweruwoko.

“Chazoita kuti ndiuye kudare ndechekuti handisi kufara nemachengeterwo ari kuitwa vana ava. Chero imba yaari kugara chaiyo haiiti. Idiki uye haikodzeri kugara vanhu nekuti yakashata kudarika danga renguruve.

“Mumba macho munogara muine tsvina, vana vachidyiswa tsvina pamwe chete nekufuga magumbeze anenge aine guruva zvinozoita kuti vana vagare vachingokosora.

“Zviri pachena kuti amai ava vari kukoniwa kuchengeta vana nekuti havasi kukwanisa kuvariritira zvakakwana.”

Akati anoshaya hope nekuda kweupenyu huri kurarama vana vake.“Ndiri kutadza kurara ndichingogaya kuti zvino vana vangu vadyei uye vachazovei kuburikidza nemagariro avari kuita.

“Chikoro havachaendeswi nekuda kwekuti mhuri yakamukurira.

Kuroorwa kwaakaita nemumwe murume akaitiswa vamwe vana vatatu.

Zviri pachena kuti haasi kukwanisa kuchengeta vana ava sezvo iye asingaendi kubasa. Dai dare randitendera ndatora vana vangu ndanochengetesa kuna amai vangu nekuti hazviiti kuti ndivachengete ini sezvo ndichigara nemumwe mukadzi,” akadaro. Pavari akapikisana naMuvhimi achiti kuchengeta vana ava harisi dambudziko kwaari uye anogara navo zvakanaka.

“Murume uyu ari kuda kungopedzera dare nguva nekutaura tunyaya tusina basa. Ini handisi kutadza kuchengeta vana vangu.

“Hongu imba yandinogara idiki asi ndine imwe kamuri yandinobhadhara rendi inorara vana vakomana nekuti pandiri kugara tinoshandisa makamuri maviri chete.

“Imba yatiri kugara yakatonakawo, tinotozorawo kobhura uye haina tsvina sekutaura kwaari kuita.

“Handina kana musi mumwe chete wandakambotadza kuwanira vana vangu zvekudya nekuti ndiri mudzimai anotengesa- tengesa.

“Vana vaari kutaura kuti havasi kuenda kuchikoro manyepo nekuti vana vari kudzidza,” akadaro achiratidza dare mabhuku ekuchikoro kwevana ava.

Akati Muvhimi anoda kutora vana kuti agozonovashandisa sevaranda.

“Sekuona kwangu ari kungosvotwa nekuti ndiri kugona kuchengeta vana, anoda kuvatora kuti vanoshandiswa semadhongi kumusha kwavo. Handifungi kuti amai vake vangazogona kuchengeta vana sezvandiri kuvaita,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akarasa chikumbiro chaMuvhimi achiti pakange pasina umboo hunoratidza kuti vana ava havazi kuchengetwa zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey