Uncategorized

Vana vechikoro 89 vakamitiswa

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vana vechikoro 89 vakamitiswa Mwana wechikoro ane pamuviri

Kwayedza

Lovemore Kadzura

DAMBUDZIKO rekuroorwa nekuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki riri kuramba richikura kudunhu rekwaMakoni, kuManicaland, uko kune vana 89 vakasiira chikoro panzira mushure mekunge vabata pamuviri 17 vacho vari vepachikoro chimwe chete.

Izvi zviri mune rimwe gwaro rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekudunhu reMakoni rakanzi, “Drop outs due to pregnancy 2019”.

Huwandu uhu hunogona kunge hwakawedzera pamwedzi waGumiguru, Mbudzi naZvita.

Chinoshamisa ndechekuti chero vana vekupuraimari varipowo papwere dzakamitiswa idzi.

Vasere vavo kasiira chikoro panzira mushure mekubata pamuviri.

Zvikoro zvekumaruwa ndizvo zvine vana vakawanda vanopihwa pamuviri sezvo pazvikoro zvakasarudzwa, chimwe chete bedzi ndicho chiri mudhorobha.

Chiundu High School ndiyo ine vasikana vakawanda 17 vakamitiswa, Nyamusosa Secondary School ine 7, zvose neManonga kuchiti Rombwe ine vana 6 kuchitiwo 5 vakamitiswa paDumbamwe.

Mwana wechikoro mudiki-diki pavana vakaitiswa mimba ava ane makore 13 okuberekwa uye pa89 ava, vaviri chete ndivo vane makore ari pamusoro pe18.

Vana vechikoro ava vakabata pamuviri kubva munaNdira kusvika Gunyana 2019 uye zvinofungidzirwa kuti kune vamwe vana vasina kunyorwa mugwaro iri sezvo zvimwe zvikoro zvakatadza kuunza huwandu hwevana vakabata pamuviri nenguva.

Huwandu hwevana vamitiswa ava hwasiya mibvunzo yakawanda maererano nekuti vanasikana vanoziva here kuti zvinorevei kuti vasabvira vaita zvepabonde uye kuti vane ruzivo rwakakwana here maererano nenyaya dzepadonde vachiri kuchikoro.

Zvinonzi pane mukana wakakura uri kusiiwa wekuti vana muzvikoro vadzidziswe maererano nezveutano hwepabonde kunyanya muzvikoro zvekumaruwa nekunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva zvinoita kuti vanasikana veko vakwezvwe kuita bonde vachiri vadiki vozoita mimba pasina kugadzirirwa uye pasina kudzivirirwa.

Izvi zvinoitawo kuti vasangane nemamwe matambudziko anosanganisira kutapurirwa utachiona hweHIV pamwe chete nekunetseka mupfungwa zvakanyanya maererano nemagariro avo.

Makoni District National Aids Coordinator, VaAmnot Chipandamira, vanoti vari kushanda kubatsira vanasikana vasiri kuchikoro asi huwandu hwevana vari kupihwa pamuviri muzvikoro hunoshamisa. Vanoti vanasikana 1 945 vari pasi pechirongwa cheDREAMS uye vamwe vavo vakatosiya chikoro nenyaya dzekubata pamuviri.

“Pasi pechirongwa cheDREAMS, vanasikana 1 945 vekupuraimari nesekondari vari kuwana rubatsiro rwemari dzechikoro, mayunifomu nezvekushandisa muchikoro. Tiri kutora vakasiya chikoro tichivadzorera kuchikoro kuti vavambe upenyu hwavo patsva.

“Chirongwa ichi chiri kubudirira zvisinei nekuti pane matambudziko atiri kusangana nawo. Vamwe vana vari kugona muchikoro asi tine pamwe pekuti vari pasi pechirongwa ichi vari pakati peavo vari kubata pamuviri, vosiira chikoro panzira.

“Tiri kukurudzira vana vechikoro kuti vasiyane nebonde vasati vapinda muwanano. Bazi redzidzo haritenderi makondomu muzvikoro, naizvozvo hatisi kuvadzidzisa nezvenzira dzakanaka dzekuita bonde.

“Vanasikana vane mukana wakakurisa wekutapurirwa utachiona hweHIV. Kubatira kweutachiona hweHIV kuri pachikamu che11,3% mudunhu rino,” vanodaro.

VaChipandamira vanoti vanhurume vasingachaendi kuchikoro ndivo vari kunyanya kupa vanasikana vari muzvikoro mimba.

“Panoda kuti tibatane nevemunharaunda mukuchengetedza vanasikana. Kudzidzisa vana tisingadzidzise vari munharaunda hakubatsire. Panoda zvakare kuitwa zvirongwa zvema‘bush boarding’ apo vana vanogara pedyo nechikoro sezvo zvichibatsira kuchengetedza vanasikana,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Rural Teacher’s Union, VaMartin Chaburumunda, vanoti panoda kuti vakuru vematunhu vabatsire mukupedza dambudziko iri.

“Harisi dambudziko rekwaMakoni chete asi kuti nderenyika yose. Zvikoro zvine chirongwa cheGuidance and Counselling apo vana vanopihwa ruzivo maererano nezvepabonde, nezveupenyu pamwe nezvirwere. Panoda kuti paongororwe zvidzidzo izvi kuti zvivandudzwe.

“Vanhu kubva kunzvimbo dzakasiyana vanofanira kupinda muzvirongwa izvi nekuti vanopa vana pamuviri ava vanobva munzvimbo idzodzo. Vana vanobva kudzimba dzine vabereki vakaparadzana ndivo vanonyanya kusangana nematambudziko akadai,” vanodaro VaChaburumunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey