Uncategorized

Vana vekunze kwewanano nemagwaro ekuzvarwa

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Audrey Kudzai Gonyora Zulu—

KUTORESWA kwemagwaro ekuzvarwa muZimbabwe kunoitwa pasi pemutemo weBirths and Deaths Registration Act (Chapter 5.02).

Mutemo uyu unotara zvinodiwa kuti munhu ange achiwaniswa gwaro rekuzvarwa (birth certificate).

Chinyorwa chino chichatarisa nyaya yekutoreswa kwevana vannoberekwa kunze kwewanana magwaro ekuzvarwa.

Kana vabereki vasina kuwanana zviri pamutemo, magwaro anotevera anodiwa:

  1. a) Chitupa chaamai nababa
  2. b) Gwaro rekuzvarwa kwemwana kune avo vanenge vakaberekerwa muchipatara.
  3. c) Gwaro rekubhabatidzwa kuchechi
  4. d) Mufakazi mumwe chete nechitupa chake, kunyanya nyamukuta.

Kana mwana achinge akaberekerwa zvakaita sepapurazi, panodiwa mufakazi kana tsamba inobva kuna sapurazi.

  1. e) Vabereki vose vanofanirwa kunge varipo vachisaina gwaro rinoratidza kuti ndivo varidzi vemwana.
  2. f) Vanhukadzi vanenge vasina varume vanokwanisa kutoresa vana magwaro ekuzvarwa vachishandisa surname yavo kana baba vemwana varamba kuti mwana ndewavo kana kuti vasingazivikanwe kwavanenge vari.

Kana zviri pamusoro apo zvazadzikiswa, pasi pemutemo uyu, hapana chikonzero chinoita kuti mubereki atadze kutorera mwana wake gwaro rekuzvarwa.

Mutemo unoti mwana wose anofanirwa kutoreswa gwaro rekuzvarwa mukati memazuva 42 aberekwa.

Zvisinei, mamiriro enyaya yevana vanenge vaberekwa kunze kwewanano haazi nyore sezvazvinoratidzika zviri.

Pasi pemutemo weCommon Law, pane zvimhingamipinyi zvinosanganikwa nazvo pakutoresa mwana gwaro rekuzvarwa kana takatarisana nemadzimai vari muwanano yeMarriage Act (Chapter 5.11), vanenge vaita vana kunze kwewanano.

Wanano iyi inenge iri pakati pemurume mumwe nemukadzi mumwe.

Madzimai anenge akaroorwa zviri pamutemo asi vakasiyana nevarume vavo, havana kusununguka kuti vatorese vana vavanenge vaita kunze kwewanano magwaro ekuzvarwa vasina kuwana gwaro rekurambana rinoratidza kuti murume waari muwanano naye handiye muridzi wemwana.

Izvi zvinoisa mutoro kumudzimai anenge asiyana nemurume vasina kurambana zviri pamutemo.

MuZimbabwe nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, vanhu vanenge vari muwanano vanogona kusiyana kwenguva yakareba vasati varambana zviri pamutemo.

Pane katsika kanoitwa kekusakoshesa kuzadzikisa kurambana sezvinodiwa nemutemo mushure mekunge vanhu vasiyana kwemakore anogona kusvika 20.

Hazvina kunaka kuti vana vakanganiswe upenyu hwavo nekuda kwemaitiro akadai.

Gwaro rekuzvarwa rakakosha zvikuru uye ikodzero yemwana wose kuti ave naro.

Kurambidza mwana kuti atoreswe gwaro rekuzvarwa nekuda kwemamiriro anenge akaita wanano yaamai vake kunokanganisa upenyu hwake zvikuru.

Pasi pebumbiro remutemo wenyika Section 19, kodzero dzemwana dzinokosheswa zvikuru kudarika zvimwe zvinhu zvose.

Gwaro rekuzvarwa rinodiwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira kuti mwana akwanise kupinda chikoro uye zvinoita kuti azivikanwe kuti iye ndiani.

Mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo uye kutadza kwake kuwana fundo nekuda kwekuti haana gwaro rekuzvarwa hachizi chinhu chakanaka.

Tinokurudzira vanenge vasiyana muwanano kuti vazadzikise kurambana kwavo sezvinodiwa pasi pemutemo kuitira kuti vasape vana mitoro.

Kuda kuzorambana zviri pamutemo mushure mekunge vanhu vasiyana kwenguva yakareba kunonetsa sezvo mumwe anogona kunge asisazivikanwe kwaanenge ave kugara kana kuti anenge akaenda kunze kwenyika.

Kunyangwe zvazvo vanhu vachikwanisa kuzorambana nemamiriro ezvinhu akadai, zvinotora nguva refu uye zvichikangisa vana zvikuru apo vanenge vakamirira kutoreswa magwaro ekuzvarwa.

 

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupindurai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey