Uncategorized

Vana, zvikoro vakakumba mibairo

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

CHAMANGWIZA wekambani ine mukurumbira mukubika nekutengesa chingwa, yeBaker’s Inn, VaNgoni Mazango, vanoti vemabhizimisi vanofanira kuwana chikamu chavanoita mukusimudzira dzidzo munyika.

Vachitaura nemusi weChishanu svondo rapera pakupihwa kwemibairo kuzvikoro nevana, eHarare Provincial Merit Awards, VaMazango vanoti kambani yavo yakazvipira mukutsigira dzidzo muZimbabwe.

“Pamhemberero dziri kuitwa idzi chinangwa chikuru kupa vakabudirira mune zvakasiyana-siyana mibairo. Mukuita izvi, vakazadzikisa zvishuviro zvebazi redzidzo yepuraimari nesekondari. Vanopa vazhinji vari mudzidzo shungu dzekuda kukundawo nekuda kugona kusvika pavari.

“Kambani yedu yakasarudza dzidzo sechinhu chinoda rubatsiro kubva kune vemabhizimisi. Naizvozvo izvi zviri muhurongwa hwedu kuti tinofanira kupa rubatsiro kune venharaunda dzatinoshandira, ndokusaka tiri kumira-mira kudzidzo.

“Vemabhizimisi tinofanira kupa rubatsiro rwakasimba kunharaunda dzatinoshandira. SeBaker’s Inn, takaona zvakakosha kuti tipe rubatsiro mukurongwa kwemhemberero dzemaMerit Awards idzi nezvimwewo zvirongwa.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wedzidzo muHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, vanoti dunhu ravo riri kushanda nesimba munyaya dzekusimudzira dzidzo.

“Mugore ra2015 dunhu redu rakakwanisa kuvaka zvikoro zvakati wandei senzira yekuderedza kuwanda kwevana muzvikoro uye kuti vadzidze zvakanaka pasina kuvhiringidzwa nenyaya yekuti vanenge vakawandisa.

“Takavaka zvikoro zvesekondari zvinoti Mbizi, Mabvazuva, Kuwadzana 3, Budiriro 2 nepuraimari imwe chete yeGlenwood. Ndinofarawo kuti zvikoro zvemuHarare zviri kuwedzera pakupasa kwazvo pamwe chete nekuvandudza madzidziro anoita vana vacho. Izvi zvinoratidza kuti vadzidzisi, vabereki nevemabhizimisi vari kubatsira mukuvandudzwa kwedzidzo,” vanodaro VaKateera.

VaKateera vanoti dunhu ravo riri kusanganawo nematambudziko akasiyana ayo anosanganisira kushomeka kwevadzidzisi mune zvimwe zvikoro.

Vakazotendawo vose vari kubatsira kuti dzidzo iendeke, vanosanganisira vemabhizimisi, vabereki pamwe chete nevarairidzi. Pamhemberero idzi, bepanhau reKwayedza rakapihwa mubairo wekushanda zvakanaka nedunhu reHarare mukusimudzira chidzidzo cheShona.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey