Vanasikana votsigirwa

19 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Vanasikana votsigirwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzevana pamwe nekubatsira vanotambura reVana Vedu Trust royamura vanasikana vari kumativi mana enyika nemidziyo yekushandisa panguva yekutevera izvo zviri kuvabatsira kuti vafunde vakasunguka apo nyika iri mushishi kurwisana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Svondo rapera, sangano iri rakabatsira vanasikana vepachikoro cheSeke 3 High, kuChitungwiza nemidziyo yekushandisa panguva yekutevera uye chirongwa ichi chakaitwa senzira yekucherechedza zuva guru reInternational Day of the Girl Child.

Zuva iri rinocherechedzwa pasi rose nemusi wa11 Gumiguru gore roga-roga.

Mai Chipo Bessie Mahamba vanova muvambi wesangano reVana Vedu Trust vanoti kune vamwe vanasikana vanobva kumhuri dzinotambura izvo zvinoita kuti vabereki vavo vakundikane kuvatsigira nezvekushandisa panguva yekutevera.

“Panguva yekutevera kana vana vakashairwa zvikwanisiro, vanowanikwa vachisuruvara uye kushungurudzika zvakanyanya zvinoita kuti vaderere pakudzidza kwavo. Zvekare, zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, vamwe vabereki vakarasikirwa nemabasa kana kuti zvaivasimudzira mukurarama zvakabva zvadzikira izvo zvakaona vakawanda vachiomerwa panhau dzekuriritira vana nokudaro rubatsiro rwushoma rwatapa rwunoratidza kuva rwukuru kune anogashira. Kushaikwa kwezvekushandisa panguva yekutevera kunokonzera kuti vamwe vanasikana varovhe kuchikoro zvinoita kuti vasaririre mudzidzo yavo,” vanodaro.

Mai Memory Kanyati vanova provincial manager weZimbabwe Youth Council mupurovhinzi yeHarare vanoti vari kutevera matsimba emudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, ekubatsira vanasikana kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope.

“Sesangano rinoshanda nevechidiki, tichakurudzira nhengo dzeParamende yevechidiki kuti vataure nyaya dzakadai kuti midziyo inoshandiswa panguva yekutevera inge ichiwanikwa pachena sezvo pari zvino ichiri kudhura zvakanyanya. Kana vakashaya midziyo iyi, vanopedzisira vava kushandisa mamwe machira akasviba anogona kukonzera zvirwere zvegomarara rechibereko. Kuwaniswa kwe’sanitary ware’ kunounza hutsanana kuvadzidzi uye vanofunda mwoyo nepfungwa zviri panzvimbo imwe chete pasina kutyira nyaya dzekusvibisa mayunifomu avo,” vanodaro.

Shalom Madzinga anova nhengo yeJunior Parliament inomirira Chitungwiza South anoti kudai pave nemutemo wekuti pabatwe chikamu che1 percent chemari pakutenga kunoita vanhu magirosari avo munyika zvichizoita kuti midziyo inoshandiswa nevanasikana panguva yekutevera inge yakaderera kana kuwaniswa pachena.

“Zuva ranhasi rakatikoshera nokuti musi wa11 Gumiguru gore roga-roga tinocherechedza zuva guru reInternational Day of the Girl Child. Zvakakosha kuti vana vafundiswe zviri maringe nenhengo dzavo dzesikarudzi kuti vanodzichengetedza sei.

Pamusoro pezvo, vanofanirwa kuzivawo kuipa kwakaita nyaya dzekukurumidza kupinda mune zvepabonde sezvo zvichikonzera kunyuka kwezvirwere zvepabonde, kuita pamuviri pasina kurongeka vopedzisira vava kubvisa pamuviri nerweseri izvowo zvinokonzera ndufu nekusiira pachikoro panzira, pakati pezvimwe,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey