Vanhu vakaremara vonzi vari panjodzi

09 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
Vanhu vakaremara vonzi vari panjodzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vakaremara mitezo vanonzi vari panjodzi huru yekutapurirwa chirwere cheCovid-19 sezvo vakawanda vavo vachipona nekupemha munzvimbo dzinosangana veruzhinji semumaguta.

Naizvozvo zvakakosha kuti vanhu ava waniswe zvinovakwanira zvekushandisa mukuzvidzivirira kubva kudenda iri pamwe nemashoko echenjedzo.

Izvi zvakabuda pamusangano weThe Global Summit Development of National Asks Meeting wakaitwa nemasangano anorwira kodzero dzevakaremara akadai seJairos Jiri, National Association of Societies for the Care of the Handicapped (NASCOH) neSightsavers nemusi weChipiri chino pane imwe hotera iri muguta reHarare.

Vachitaura pamusangano uyu, VaHenry Masaya avo vakafanobata chigaro chemukuru weNASCOH vanoti vanhu vakaremara vazhinji vari panyatwa yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera mararamiro avanoita.

“Vazhinji vevanhu vakaremara havana mabasa akati tsvetere sezvo vachirarama nekutengesa uye kupemha munzvimbo dzine veruzhinji semumabhazi kana mumaguta. Saka mukutambidzwa kwavanoitwa mari nekusangana nevanhu vakawanda vachitsvaga rubatsiro, zvinovanenekedza mukubatwa nechirwere ichi.

“Vanogara zvekare vaine vabatsiri vavo nguva nenguva nekudaro kana mubatsiri akabatwa nechirwere ichi, ivowo vane mikana yekutapurirwa,” vanodaro.

VaMasaya vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kuti vakaremara vawaniswe zvekushandisa mukuzvidzivirira kuti vasabatwe nedenda iri semamasiki anofambirana nezvavari, masanitizer uye kuti vavewo nedzimba dzakanaka dzakakura kuti vasagare panzvimbo dzavanenge vakamanikidzana.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Loveness Mainato vanova mukuru wesangano reAlbino Charity Organization of Zimbabwe (ALCOZ) vachiti vakaremara vazhinji vanosangana nerusarura mukurarama kwavo.

“Vanhu vakaremara vari kurasikirwawo nemashoko maringe nechirwere ichi sezvo vamwe vasinganzwi kana kuona nekudaro panofanira kutsvagwa nzira dzinoita kuti vawaniswe mashoko aya, pangava pazvinyorwa zveBraille kana mitauro yemasaini,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey