Uncategorized

‘Vanhukadzi tsigiranai’

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Vanhukadzi tsigiranai’ Ambassador Chitiga

Kwayedza

Phillipa Chinhoi naDaphne Machiri
VANHUKADZI vari kukurudzirwa kuti vasimudzirane kuburikidza nekutsigirana mune zvakasiyana kusanganisira kuvhoterana kuti vapinde pazvigaro zvepamusoro munyika.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Ambassador Rudo Chitiga, pagungano rakaitwa nesangano reZimbabwe Gender Commission muguta reHarare nguva pfupi yadarika.

“Vanhukadzi takawanda munyika zvekusvika chikamu che52 percent, chii chinoita kuti tisavhoterana? Ngatisimudzirane, mukana tinawo zvakare tichitarisa bumbiro remutemo wenyika muchikamu cheSection 80 iyo inoti hapafanirwe kuva nerusarura pakati pevanhukadzi nevanhurume,” vanodaro Ambassador Chitiga.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mhirizhonga nekushorwa kwevanhukadzi vari mune zvematongerwo enyika zvinofanirwa kupera. Mutungamiri wenyika President Mnangagwa vari kutitsigira, saka ngatiisei chido nemwoyo pamwe mukuita mabasa anosimudzira nyika.”

Vachitaurawo pagungano iri, sachigaro weZimbabwe Gender Commission, Mai Margaret Mukahanana-Sangarwe, vanoti komisheni yavo iripo kuona kuti vanhukadzi nevanhurume vane mikana yakaenzana mune zvakasiyana.

“Takaona zvakakosha kuti vanhukadzi vasimudzirwe nekupihwa mikana yekuvhoterwa kuti vapindewo pazvigaro zvinosanganisira makanzura ekumawadhi nevamiriri vematunhu mudare reParamende,” vanodaro Mai Mukahanana-Sangarwe.

Vanoti vanotarisira kuti vanhukadzi vakawanda vachakwikwidzawo musarudzo dzezvematongerwo enyika dzichaitwa mugore ra2023.

“Tiri kutsigirwa zvakare neSection 17 yebumbiro remutemo wenyika iyo inoti panofanirwa kuve nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey