Uncategorized

Vanofumoona mukirasi muzere tsvina yevanhu

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

PACHIKORO cheChifamba High School, chiri kuGuruve, pari kuitika minana yasiya vana zvose nevadzidzisi vepo vasina nechekutaura uye vazere nekutya.Mangwanani oga-oga, dzimba dzekudzidzira dzinowanikwa dziine mikonde yetsvina yevanhu inenge iri mumativi ose ose. Ari kuita izvi haasati azivikanwa.

Chikoro ichi, icho chine vana vanodarika 600, chiri padyo nenzvimbo yemabhizimisi yeMudhindo Growth Point, mumugwagwa unobatanidza Guruve neBanket.

Svondo rapera, Kwayedza yakanoita hurukuro nevamwe vagari vekunzvimbo iyi avo vamwe vacho vari kutya kana kutaura nezvemashura aya vachiti vanozeza kuzosara vachiroyiwa nevanhu vavanofungira kuti ndivo vari kukonzera izvi.

Vanhu ava vakaramba zvakare kuti vatorwe mifananidzo yavo vachiti vakangodaro chete, vanenge vaisa upenyu hwavo pakaomarara.

Asi mumwe murume akazviti anonzi Ronald Chidhakwa (40), uye ane mwana anopinda pachikoro ichi achibva mumusha waChidhakwa, anoti nyaya yetsvina yevanhu inozongoonekwa mudzimba dzekudzidzira yatemesa vakawanda misoro.

Anoti vamwe vabereki vave kutya kuramba vachiendesa vana vavo pachikoro ichi nekuda kwezviri kuitikapo izvi.

“Nyaya yetsvina yevanhu inoonekwa mumakirasi pachikoro pedu yava nenguva inosvika mwedzi miviri ichiitika. Makirasi aya anokiyiwa uye pane varindi vanochengeta pachikoro. Zvinoreva kuti hakuna munhu anokwanisa kupinda mudzimba idzi asina kuonekwa.

“Zvinongoshamisa kuti tsvina iyi inozowanikwa yakaitirwa pasi mumakona ose mana emumakirasi mangwanani oga-oga,” vanodaro VaChidhakwa.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaNhamoinesu Mukombachoto (50), avo vane vana zvakare vanodzidza paChifamba.

“Madhoo epachikoro apa anokiiwa apo vana vanopedza chikoro zuva rodoka makii oendeswa kuhofisi yemukuru wechikoro. Anozotorwa rechimangwana racho nevadzidzisi mumwe nemumwe nekirasi yake,” vanodaro.

VaHama Mutakurwa (60) vemubhuku raHama vanoti tsvina iri kuitirwa mudzimba dzekudzidzira iyi yave kutadzisa zvinhu kufamba zvakanaka pachikoro ichi nekuti vadzidzisi vave kushanda vachitya uyewo vana hana dzavo hadzina kugadzikana.

Tsvina iyi inonzi inobviswa nevashandi vepachikoro ichi mushure mekushevedzwa kwevabereki vachiona mashura aya.

Mukuru wechikoro ichi, uyo akangozivikanwa nekuti Mai Mafararikwa, anoti haakwanise kutaura zvakawanda nekuda kwemutemo webasa rake uyo unovarambidza kukurukura nevatori venhau.

“Nyaya iyi yakaitika kare zvikapera. Hapana nezvaivapo, vanhu kana votaura vanotaura nepasipo vachiwedzera.

“Aiwa, zvakagadziriswa, kana muchida zvizere munoridza nhare panhamba dzekuhofisi kwedu kuGuruve Education panhamba dzinoti 058-2326 kana kutaura naDSI (district supervisor inspector) vaimbonzi kare maDEO vanonzi VaDambuza panharembozha dzavo dzinoti 0774 802 898.

Bvunzai zvose vanokutaurirai,” vanodaro Mai Mafararikwa.

VaDambuza vakaridzirwa nhare kumuhofisi avo nepanhare neKwayedza asi kusvika pakudhindwa kwenyaya ino, vainge vasati vabatika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey