Uncategorized

‘Vanoita zvemucheno tavhiringidzwa’

05 Sep, 2021 - 07:09 0 Views
‘Vanoita zvemucheno  tavhiringidzwa’ Ruvimbo Zemba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chadzosera kumashure zvakanyanya mabasa evanoita zvemucheno sekugadzira misoro, kugera, kugadzira nzara nekuumbiridzwa kwerunako nekuda kwemitemo yekudzivirira kupararira kwedenda iri (lockdown).

Pasi pechirongwa chelockdown, mabasa anotanga na8 mangwanani achivharwa na3:30 dzemasikati.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vari mubasa remucheno, zvikuru vemasaruni (saloon) avo vari kuchema-chema vachiti zvinhu hazvisi kuvafambira zvakanaka nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kuporonga zvikuru mabasa edu isu vanoita mabasa ekuwedzera runako nekuti kubvira pachakatanga, vanhu vakawanda vakabva vasarudza kuzvigadzira voga misoro yavo vari kudzimba pamwe nenzara.

“Zvekare, patinotanga basa na8 mangwanani vanhu vazhinji vanoenda kumabasa nokudaro paya pavanopedza basa na3:30pm vanenge vava kumhanyira kumba, hakuchina mamwe makasitoma aya aisiwanikwa manheru achipfuura nekumabasa kwedu, saka mari yatava kuwana yashomeka zvikuru,” anodaro Ruvimbo Zemba.

Anoti vava kutongoshandira mari yerendi nechikafu kuti vararame.

“Covid-19 isati yauya, tairarama upenyu hunokunda vamwe vashandi vemumahofisi nekuti awa roga-roga taiwana makasitoma anoda kuiswa ‘make-up’ kana kurukwa. Zvino nekuda kwekuti vanhu vava kuswera vakapfeka mamasiki, ‘make-up’ inopedzisira yabviswa nemasiki, kana podo yepamuromo hakusisina.

“Vamwe vava kungotyawo kuuya kumasaruni vachifunga kuti isu sevanhu vanobata misoro, nzara nezviso zvevanhu vakawanda tinogona kuvatapurira Covid-19, pakati pezvimwe zvirwere,” anodaro.

Zvisinei, Zemba anotenda Hurumende nekunyevenutsa zvimwe zvisungo zvelockdown uye anokurudzira veruzhinji kuti vatambire chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Anoti vashandi vemumasaruni vazhinji vakatobaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi senzira yekuti vasatapurire kana kutapurirwe denda iri nemakasitoma avo.

Mashoko ake anotsinhirwa naGrace Hove anoona nezvemucheno zvakare achiti makasitoma akawanda achiri kutyira kure zvichitevera kunyuka kweCovid-19.

“Makasitoma edu vanhu vanobva kwakasiyana uye basa redu rinosanganisira nyaya dzekubata miviri yavo, dzingava tsoka tichikwesha nzara, kumasaja (massage) makumbo, mapfudzi, kuvageza vhudzi nekuriisa mishonga zvose nekuruka. Hazvikodzeri kuti tiruke munhu takapfeka magirovhosi nekuti anotsvedza basa rotadza kubuda zvakanaka.

“Nyaya dzekuva kure nakure dzinonetsa zvekare nekuti pakugera munhu musoro, ndebvu kana kumuruka unotofanira kunge wakamira padyo naye nokudaro tava kungotora matanho ekuchenesa midziyo yatinoshandisa nemishonga inouraya utachiona sezvigero kana tsono (sterilization). Tinogezawo maoko edu nguva nenguva nesipo mushure mekuruka munhu mumwe nekuona kuti mahwindo ematinoshandira anogara akavhurwa kuitira mhepo,” anodaro.

Taurai Muzorori, uyo anoita basa rekugera kuChitungwiza, anoti bhizimusi rake rakaderera zvikuru uye mamwe makasitoma akatooneka zvachose.

“Kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19 gore rapera, mamwe makasitoma edu makuru akabva angotenga zvigero zvavo vachizvigera vari kudzimba nemhuri dzavo nekuti vanenge vachitya kushandisirwa zvigero zvinoshandiswa neveruzhinji. Izvi zvaita kuti mari dzatinosiwana dziderere zvakanyanya. Tinofara hedu panguva ino yekuvhurwa kwezvikoro kuti vana vechikoro vari kuuya nehuwandu saka tave kubatawo mari iri nani.

“Asi kuenda kuri kuita magetsi kwava kuita kuti basa redu ridererewo nokudaro tava kushandisawo zvigero zvemabhatiri nesimba remagetsi rinobva muzuva kuti tirambe tiri pabasa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey