Varairidzi vevechidiki vodzidziswa

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

VARAIRIDZI venhabvu vanosvika 20 kubva kuzvikwata zvevechidiki zvakasiyana vachasangana kuBulawayo svondo rinotevera kutanga musi waZvita 3 kusvika 7 apo vachange vachiitiswa zvidzidzo zveFifa -Cosafa Coaching Course izvo zvakananga kuvandudza mashandiro avo.

Mukushi wemashoko kusangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa), Xolisani Gwesela, anoti zvidzidzo izvi zvakakosha zvikuru sezvo zvichazobatsira varairidzi ava kuti vagoshanda zvakasimba mukusimudzira tarenda revatambi venhabvu vachiri kusimukira.

Gwesela anoti zvidzidzo izvi zvichange zvichiitiswa nenhengo dzeFifa.

“Pachaitwa musangano svondo rinotevera uyo uchaona varairidzi venhabvu 20 kubva kuzvikwata zvakasiyana vachisangana kuBulawayo uko vachaitiswa zvidzidzo zveFifa-Cosafa Coaching Course.

“Isu tiri kukoshesa nhabvu yevechidiki, zvidzidzo zvakadai tinozviona zvakanaka zvikuru saka kana varairidzi ava vapedza tinotarisira kuti vanoshanda zvakasimba vachivaka vatambi vechidiki avo vari kusimukira mumutambo uyu,” akadaro Gwesela.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey