Vararama neHIV kwemakore

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Vararama neHIV kwemakore Mai Urita Gondo

Kwayedza

MURUME nemudzimai wake vekwaMusami, kwaMurehwa – avo vanorarama neutachiona hweHIV – vari kuwana pundutso kubva mukutengesa mishonga yechivanhu uye yakatovaka imba yekuratidzira zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvivezwa nechuma.

Kwayedza nguva yadarika yakashanyira VaDavy Benu (42) nemudzimai wavo, Mai Urita Gondo (52), vanogara mubhuku raMushinga ndokuita hurukuro nayo.

Mai Gondo vane mabhindauko avari kuita pamusha pavo pamwe nemurume wavo akaita sekurima mufarinya nemishonga yechivanhu.

Vakavakawo imba yekuratidzira midziyo yechivanhu (culture house) zvinova zviri kuvabatsira mukurarama kwavo.

Vanoti mishonga yechivanhu (herbs) yavanorima, kunze kwekutengesera kune vanoida, inovabatsira zvakare mukusimudzira utano hwavo.

Sekutaura kwaMai Gondo, vakatanga kurima mishonga iyi mushure mekupihwa kurudziro nevamwe vachena vekunyika yeGermany sezvo ichinzi inobatsira zvikuru munyaya dzeutano kune avo vane utachiona hweHIV.

“Mishonga iyi takaidyara nechinangwa chekuti itibatsire apo tinorwara asi hatiisanganise nemishonga yemaARV nekuti hazvipindirane. Tinoitengeserawo vamwe vanenge vauya vaine zvigozhero sezvo tiri nhengo dzeZinatha uye takanyoresa kusangano reTraditional Medical Practioner’s Council.

“Culture house yedu ine hungwanda-gwanda hwezvinhu zvechivanhu zvinobvira pamitupo yevanhu yakasiyana, zvivezwa, chuma, matombo nezvimwe. Kana tikawaniswa mukana tingafare kuratidzira izvi kana kuti vayenzi vedu vambouya kuzoona pamuzinda wedu zvatiri kuitawo,” vanodaro Mai Gondo.

Vanoti vakabatwa kuti vane utachiona hweHIV mugore ra1993.

“Ndakatanga kurwara nechirwere cheTB (rurindi) muna 1993 ndikarapwa pachipatara cheSt Pauls Mission. Ndakazoziva kuti ndakange ndiri kurarama neutachiona hweHIV muna2005 uye panguva iyoyo ndakange ndaondoroka zvekuti ndaiita sendichapupurutswa nemhepo. CD4 count yangu yakange yave pa200 uye mazuva iwayo kwakange kusina mapiritsi emaARVs nokudaro vamwe vanaFather vekuGermany vaitirapa vaitipa mishonga yechivanhu (herbs) tichinwa asi vamwe vairamba vachitya kufa,” anodaro mukadzi anoti hazvinyadze kubuda pachena kuti une utachiona uyu.

Vanoti pavakatanga kurapwa, vaive 15 asi vamwe vakashaya ndokusara vave vapfumbamwe nekuda kwekuti vaitora mishonga yechivanhu iyi.

“Mishonga iyi yaiita kuti tide kudya uye yairapa maronda emukanwa, pahuro kana mamwe aingonyuka. Sezvamunoziva kuti kana munhu uchirarama neutachiona hweHIV mikana yekubatira zvirwere zvakawanda iri nyore, isu taiona tisingabatwe nezvirwere zvakawanda nekuti mishonga iyoyo yaitirapa,” vanodaro Mai Gondo.

Vanoti vachena vekuGermany ava pavakazodzoka kubva kunyika kwavo, vakawana paine shanduko huru kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV kuburikidza nekushandisa mishonga yechivanhu izvo zvakaita kuti vatangise kuvaitisa mabhindauko ekurima mishonga yechivanhu vachibatsirwa neUniversity of Zimbabwe mukuita ongororo.

Mai Gondo vanoti murume wavo akazoshaya nechirwere cherurindi.

“Ndakaita vana vashanu, vana vacho vakashaya nekuda kweTB ndokusara nemwanasikana mumwe chete. Ndakazoroorwa nemumwe murume uyo ndakasangana naye kumaSupport Groups anovewo ari kuraramawo neHIV.

“Ndakatora danho iri nekuti ndakaona kuti zvinotibatsira kuti tinge tichivaraidzana sevanhu vane dambudziko rimwe chete tichiyeuchidzana kunotora mapiritsi.”

Mudzimai uyu anoti haachina hake tarisiro yekuita vamwe vana uye vari kushandisa dziviriro yekondomu senzira yekuti vasarambe vachitapurirana utachiwana hweHIV (re-infection).

VaBenu vanotsinhira kuti vari kurarama neutachiona hweHIV uye vakaziva nezvemamiriro avo mugore ra1984.

“Ini ndiri nhengo yesangano rinorwira kodzero dzevanhu vanorarama neutachiona hweHIV, reZimbabwe HIV and AIDS Activist Union Community Trust (ZHAAU-CT), uye ndave nemakore 18 ndichirarama neHIV.

“CD4 count yangu yaive pa154 asi iko zvino yave pa266. Ndiri kutora maARV angu nenguva yakatarwa nachiremba ndichidyawo kudya kunovaka muviri izvo zvinoita kuti ndive pano nhasi,” vanodaro VaBenu.

Vanokurudzira vamwe vanhurume kuti vasiyane nekutora zvinodhaka panguva iyo vanenge vachinwa maARV kana mimwe mishonga.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey