Varume 3 vasungirwa haka

11 Nov, 2023 - 10:11 0 Views
Varume 3 vasungirwa haka Haka

Kwayedza

Mashudu Mambo

VARUME vatatu vakamiswa mudare mushure mekuwanikwa vaine haka pakati peguta reBulawayo uye vasina matsamba anovatendera kuve nemhuka iyi.

Brian Dube wekuKezi mudunhu reMatabeleland South, Beshem Mlotshwa wekuOld Pumula kuBulawayo naMhlonipheni Ncube wekuInyathi kuMatabeleland North vakamiswa pamberi pemutongi wedare raBulawayo Magistrate Court, Sibonginkosi Mlotshwa, vachipomerwa mhosva yekutyora chikamu 45(1) (b) chemutemo weParks and Wildlife Chapter 24:14 mushure mekuwanikwa vaine mhuka inochengetedzwa.

Vakaramba mhosva yavari kupomerwa ndokuzoendeswa muhusungwa kusvika musi wa17 Mbudzi kuti nyaya yavo ienderere mberi nekutongwa.

Dare rinoti nomusi wa9 Nyamavhuvhu nenguva dzekuma10 manheru, matikitivha echikamu cheCID cheFlora and Fauna kuBulawayo — avo vanga vari kutenderera muCBD — vakanyumwa mushure mekusangana nemotokari chena yeToyota Wish yaive yakamira pakati paLeopold Takawira na8th Avenue.

Vakabva vaswedera pamotokari iyi yaive nevanhu vana vachibva vazvizivisa kuti vaive mapurisa.

Vakasecha motokari iyi ndokuwana haka mhenyu yakanga yakaiswa mubhegi jena.

Matikitivha akakumbira rezenisi kune vasungwa ava ndokutadza kuriburitsa zvakaita kuti vasungwe.

Mukuferefetwa kwakaitwa nemapurisa, zvakabuda kuti Motshwa akanga aenda kuna Dube achikumbira rubatsiro rwekuti vamutsvagire munhu anotenga haka iyi iyo yakange yawanikwa nemukuwasha wake Ncube.

Mlotshwa naDube vakazohaya Toyota Wish yaityairwa naBatanai Machipisa kuti itakure Ncube nehaka iyi kubva kuInyathi vachida kunoitengesa kuBulawayo.

Imwe nyanzvi (ecologist) yeZimbabwe National Parks yakaongorora haka iyi pamberi pevasungwa ava ndokuonekwa kuti inokosha US$5 000.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey