‘Vatambi ngavave nehunhu’

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Vatambi ngavave nehunhu’

Kwayedza

Abel Ndooka —
SACHIGARO weNorthern Region Division One – Willard Manyengavana – anoti vanotarisira kuona hunhu hwakanaka kuvatambi uye ichi ndicho chikonzero vari kutora matanho ekuripisa avo vachapihwa yellow kana red card mwaka uno.

Muhurukuro neKwayedza, Manyengavana anoti nyaya yekushaya hunhu kwevamwe vatambi yagara ichinetsa izvo zvakavatuma kuti vange vachiripisa vanezenge vachityora mutemo.

Kutanga mwaka uno, mutambi anenge apihwa yellow card kana red munhabvu anoripiswa faindi yeUS$20 kozoti anoramba mhosva asi nyaya yacho yakaongororwa akazobatwa nemhosva anozoripiswa yave US$50.

“Takaongorora tikaona kuti vamwe vatambi vange vave kuita hunhu hwakashata hwatisingatarisire saka takatangisa zvirango zvefaindi kuti anopihwa yellow card nered card tinomubhadharisa. Zvinoita kunge taomesera zvikwata asi kwete tiri kuedza kuvaka kuti vatambi vaite hunhu hwakanaka uye vatambe zvakanaka nevamwe,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Tinoda nhabvu inonakidza chete kwete zvevanotamba vachida kukuvadza vamwe kana kuita mhirizhonga, ivavo ndivo vatiri kuripisa.”

Manyengavana anoti vakanyorera kuzvikwata zvakasiyana vachizvizivisa pamusoro penyaya iyi uye pakashaya vakapindura kana kupokana kurakidza kuti vari kutenderana nazvo.

“Takazivisa zvikwata zvese kuti nzira yatiri kufamba nayo asi pakashaya akapokana nazvo kurakidza kuti vari kubvumirana nazvo.

“Saka ndizvo zvatave kutoita,” anodaro.

Manyengavana anoti mwaka uno ligi ravo riri kutsvaga vatsigiri vanovakotsvera semakore adarika apo vaishanda neWorld Navi.

Anoti parizvino vari muhurukuro nemasangano akasiyana ayo ari kuda kushanda navo.

“Iye zvino hatina ari kudira mari muligi redu asi tine vatiri kukurukura navo. Garai makatarisira nekuti tine zvatiri kubuda nazvo manje-manje. Hongu, ligi ratanga tisina mukotsveri asi ari kuuya manje-manje,” anodaro Manyengavana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey