Vatambi vetsiva votambira kunze

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Vatambi vetsiva votambira kunze Clyde Musonda

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vanonzi vave kuenda kune dzimwe nyika uko mutambo uyu wave kutenderwa kutambwa vachinotsvaga raramo.

Izvi zvinotevera kumiswa kwakamboitwa mitambo pasi rose kubvira muna Kurume gore rino nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Mamiriro ezvinhu aya akaona vatambi vemitambo yakasiyana vachikwangwaya sezvo vange vajaira kurarama kuburikidza nemitambo iyi.

Asi, pari zvino mitambo yakasiyana yakatanga kuitwa kune dzimwe nyika zvichitevera kunyevenutswa kwematanho ekurwisa kupararira kwedenda iri. MuZimbabwe, mitambo yakawanda haisati yave kutenderwa kutambwa izvo zvinonzi zviri kuona vamwe vatambi vetsiva vachienda kunyika dzinosanganisira South Africa, Tanzania neMalawi.

Miganhu yakasiyana yenyika ichakavharwa kune veruzhinji uye nhandare dzinosvikira ndege kubva kunze kwenyika dzakavhurwa nguva pfupi yadarika zvichitevera kuvharwa kwadzange dzakaita zvakare nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Clyde Musonda anove puromota wetsiva anoti chirwere cheCovid-19 chakanganisa zvakawanda sezvo vave kurasikirwa nevatambi vachienda kune dzimwe nyika.

“Hatisi kuziva kuti tiri kuenda kupi nekuti hatisati tapihwa mvumo yekuti tichironga mitambo yetsiva, kune dzimwe nyika vave kutoronga uye mitambo iri kutambwa. Vatambi vazhinji muno vanotoraramiswa nemari inobva kutsiva saka vave kutiza vachienda kune dzimwe nyika kuzozama raki ravo                                                                     ikoko.

“Isu hatina zvatinokwanisa kuita kana kuvaudza kuti musaende, zvinotiremera nekuti hatina chekuvapa pari zvino. Zvinhu zvose zvakamira nekuda kweCovid-19 saka vave kutoenda kune dzimwe nyika kunotsvaga kurarama nekutamba mutambo uyu,” anodaro Musonda.

Musonda anoti vatambi vetsiva vari kutambudzika zvikuru nekuda kwekushaiwa zvokuita munguva ino yeCovid-19.

“Havasi vatambi vese vakabatsirika nemari yeRelief Fund yakauya uye vakaiwana vacho imwe yakatopera.

Saka kuti varambe vakagara kuine mimwe mikana kunze kwenyika zvinonetsa, ndizvo zvave kuvatuma kuti vaende. Tiri kuita zvekuzonzwa kuti vatoenda hameno kuti vanenge vaenda sei,” anodaro Musonda.

Pane mimwe mitambo yakamiswa nguva yadarika nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika muno.

Mitambo iyi inosanganisira waCharles Manyuchi uyo aifanira kusangana naMuhamad Sebyala wekuUganda vachirwira bhande reWorld Boxing Federation Association Supreme Middleweight newaTinashe Mwadziwana aitarisirwa kusangana naPaulus “The Rock” Ambunda wekuNamibia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey