Vatambi vetsiva votatsurana

13 Mar, 2015 - 15:03 0 Views
Vatambi vetsiva  votatsurana

Kwayedza

Abel Ndooka
VATAMBI vetsiva 26 avo vari kusumukira vanokwikwidza muboka reAmateur vachakweshana mumutambo we‘Champions in the making’ musi wa28 mwedzi uno.Pavatambi 26 ava, 22 vavo vanhurume apo vana madzimai uye vese vachange vachirwira tikiti rekupinda muboka reProfessional.

Vatambi ava vachange vachibandana mumapoka akasiyana akaita seheavyweight, bantamweight, featherweight, lightheavyweight, superweight newelterweight.

Mutambo uyu, uyo uri kurongwa nesangano reDeltaforce Boxing Promotions, uchange usina mutambi anonzi uyu ndiye ahwina sezvo uri wekuongorora chete kuti vave kukwanisa kurwira muboka rapamusoro here reProfessional.

Mutungamiri weDeltaforce Boxing Promotions, Clyde Musonda, anoti sangano ravo riri muhurukuro nevakotsveri avo vanoda kutsigira mutambo uyu.

Anoti mutambo uyu we‘Champions in the making’ uchavabatsira kutsvaga vatambi vetsiva avo vavachashanda navo mumakore anotevera. “Mazuva aswedera tiri kuona rutsigiro rwakanyanya mumutambo wedu watiri kuronga uyu.

“Tine vatambi 26 vacharwa musi wa28 mwedzi uno mumutambo we’Champions in the making’.

“Isu basa redu tiri kuda chaizvo kusimudzira mutambo wetsiva uye vatambi vachabudirira  tichange tave kuvarongera mitambo yakasiyana.

“Chishuvo chedu kuti mwedzi wega-wega pange pachirongwa mitambo yetsiva yakawanda, vatambi vedu vemuno vagare vachikwikwidza uye vave nehupenyu hwakanaka,” akadaro Musonda. Zvakadaro, Musonda anoti panguva iyo mutambo uyu uchange uchiitwa pachange pachiitwa zvakare zvidzidzo zvevaridzi vepembe sezvo vari vashoma munyika ino.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey