Uncategorized

Vawanikidzwa vachinanzva ivhu repaguva

17 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
Vawanikidzwa vachinanzva ivhu repaguva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vaiva kumakuva ekuNyatsime Cemetery, kuChitungwiza, uko vaiviga hama yavo vakapotsa varova madzimai maviri emaporofita ayo avakabatikidza achinanzva nekudya ivhu repaguva panguva yaidzikiswa chitunha muguva.

Izvi zvinonzi zvakaitika paivigwa mutumbi waChipo Jiri (29) nemusi wa7 Mbudzi.

Madzimai maviri aya ari kutsinhira nyaya iyi vachiti vakatora ivhu iri nechinangwa chekurapira mumwe wavo ane pamuviri aive panhamo iyi mushure mekunge aona chitunha, izvo zvavanoti hazvitenderwe pachivanhu sezvo vachiti anogona kuzozvara mwana akafa.

VaJames Vengai (39) vekuNyatsime uye kumusha vachibva kuBikita – vanova murume wemufi – vanoti mudzimai wavo akanofira kumasowe echechi yeZion iri kuChitungwiza nekurwara nemusoro, ndokuzonoradzika mutumbi wake kumakuva ekuNyatsime.

“Madzimai maviri aya vakadzi vemaporofita vekuchechi kwaipinda vadzimai vangu uko vainamatirwa zvakare nemukuru wechechi iyi munguva yavo yekurwara, Madzibaba Magirazi kana kuti Tinashe Chari. Isu tiri mubishi rekufushira guva, madzimai maviri aya akaonekwa vachidya ivhu repaguva apa nekurinanzva. Ndakanzwa yava mhirizhonga madzimai maviri aya oda kurohwa nevanhu,” vanodaro VaVengai.

Vanoti kuvigwa kwemushakabvu kwakatombomiswa vanhu vaunganira madzimai aya vachida kurohwa neruzhinji vachinzi varoyi.

Mai Clara Dube (23) naMai Chipo Makandapi (37) ndivo vanonzi vakaonekwa vachinanzva nekudya ivhu repaguva remufi uyu.

“Madzimai aya pavakabvunzwa vachida kurohwa nemhomho, vakati vainge vachitora ivhu iri sezvo vaida kupa mumwe mudzimai aiva akazvitakura uyo wavanoti ainge aona mutumbi wemufi uyu izvo zvavanoti hazvibvumidzwe pachivanhu. Naizvozvo vanoti vakaudzwa nevamwe kuti vatore ivhu iri senzira yekurapira mudzimai uyu,” vanodaro VaVengai.

Mudzimai aiva nepamuviri uyu anonziwo aiva pamakuva apa asi anoramba nyaya iyi achiti yaiva yemadzimai maviri aya.

“Ipapo madzimai aya akazotaura kuti vainge vatumwa kuita izvi nevanhu vavasina kudura, vamwe vachiti kwaiva kutsipika mweya wemufi sezvo kwakabuda mashoko ekuti mudzimai wangu aiva auraiwa kuchechi kwaaipinda,” vanodaro VaVengai.

Nekuda kwenyaya iyi, zvinonzi madzimai maviri ava nevamwe vekuchechi kwavo vakazodzingwa kumakuva uku ndokuendeswa kumba kwaiva nenhamo kuti nyaya yavo inokurukurwa nevakuru ndokubva vazoripiswa US$50.

Mai Fungai Makanyire (50) vekuHatcliffe, muguta reHarare, avo vanova amai vemufi, vanoti ndivo vakaona madzimai aya vachitora ivhu vachidya nekunanzva rimwe vachichengeta mumaoko kuratidza kuti vaida rimwe rekuenda naro.

“Ndaona izvi, ndakamhanyira kumadzimai aya ndichivati vaidyirei ivhu repaguva. Ndakarova mumwe wavo paruoko ndichimutsiura ndichimuti kanda ivhu pasi. Pakabva patanga mhirizhonga nevanhu, madzimai aya achida kurohwa,” vanodaro Mai Makanyire.

Vanoti vakazomukira kumakuva rechimangwana racho vakanowana paguva pakatsikwa-tsikwa netsoka.

Mai Easther Jiri (29) vanova munyambiri nemudzimai waVaVengai vanoti vakazongonzwa nyaya iyi nevanhu vaiva kumakuva sezvo ivo vasina kuenda kwakaradzikwa mumwe wavo nekuda kwetsika dzechivanhu.

“Nyaya iyi haina kumira mushe. Vanhu ava vakazotongwa nevabereki vedu vakaripiswa US$50 apo vakafanobvisa US$30 kukasara US$20 yekudya ivhu repaguva. Taida kuti varipiswe zvakadarika apa, mombe pamunhu,” vanodaro Mai Jiri.

Faith Jiri (23), munin’ina wemufi, anotiwo ainge agere pamwe chete nemadzimai aya pavakaonekwa vachidya ivhu repaguva.

“Ndakazongonzwa vanhu vave kushevedzera vachiti ngavabve pano! Chokwadi kudya ivhu repaguva? Mudzimai wavaitaura kuti ndiye wavaida kupa ivhu iri aivapo, sei asina kutora oga ivhu racho zvakare ndivo vaidya kwete mudzimai wavanotaura uyu,” anodaro Faith Jiri.

Mai Clara Dube vanova mudzimai waMadzibaba Magirazi, vanotsinhira kuti vakawanikwa vachitora ivhu repaguva uye havana kuziva kuti yaiva mhosva.

“Ichokwadi, takaonekwa tichitora ivhu repaguva asi kwete kuti takaridya, tine mudzimai watinonamata naye ane pamuviri uyo akaona mutumbi wemufi tikanzi zvaisabvumidzwa ndokupihwa zano rekuti anofanirwa kuzodya ivhu repaguva remufi uyu kuti asazozvara mwana akafa. Ndokusaka takatora ivhu iri, zvekuti tiri varoyi handizvo,” vanodaro Mai Dube.

Mai Chipo Makandapi vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti: “Ndakatora ivhu iri ndikaribata mumaoko ndikazorikanda pasi ndokupukutira maoko angu pazambia. Zvekuti takarinanzva nekudya ivhu iri hatina.”

Madzibaba Magirazi avo vanova mukuru wechechi yeNharirire Apostolic Church yekuNyatsime vanotiwo, “Ichokwadi, mudzimai wekufa uyu aipinda kuchechi kwangu, ndaimunamatira. Azofa, takaenda kunhamo kwake.

“Vadzimai vangu nemudzimai wemumwe muporofita wekuchechi kwedu vakazoda kubatsira vamwe amai vatinonamata navo zvakare avo vane pamuviri vainge vaona mutumbi wemufi. Vakabvumirana kutora ivhu repaguva iri vachida kupa amai vane pamuviri ava panova pakatangira kupokana.”

Vanoti nyaya iyi yakaita kuti varwiswe nehama dzemufi kusvikira vakazoripiswa US$50 nevabereki vemushakabvu.

“Ini ndinotonzi ndini ndakachekeresa mudzimai akafa uyu kuti chechi yangu ikure. Zvinonzi kutora ivhu kwakaitwa nemudzimai wangu nemumwe wake kwaiva kutsipika mweya wemufi uyu.

“Tava kutotya nemashoko evanhu nekuti vamwe vari kuti tinofanirwa kudzingwa muno,” vanodaro Madzibaba Magirazi.

Mudzimai ane pamuviri anonzi ndiye aida kupihwa ivhu iri haana kuonekwa neKwayedza sezvo ainzi aive kubasa pakashanyirwa nzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey