Uncategorized

‘Vechidiki vambai mabasa’

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

APO vamwe vanhu vari kungodemba kuti mabasa ari kunetsa, vamwe vechidiki vari kuvamba mabhizimisi ayo ari kusimukira uye vanorumbidza chirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset, icho chavanoti chavapa mukana nekuvavhurira magwanza ekuzviriritira. Kuburikidza nekuita mabasa emawoko, vechidiki ava vanoti vave kukwanisa kuwana raramo kubva mumadhindauko akasiyana avari kuita.MuHarare, vechidiki vane mabhizimisi ava vari kushandira munzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira Mupedzanhamo, Glen View Complex nekuSiya So. Vamwe vari munzvombo dzinogara vanhu imo vari kubudirira.

Maria Chayakose (35), uyo anogadzira waya kuSiya So, iri kuMagaba, kuMbare, anoti ari kukwanisa kuraramisa mhuri yake nekuzvishandira.

Mukadzi wechidiki uyu anoti murume wake akaenda kujeri mugore ra2013 mushure mekupihwa mutongo wekunopika makore 40 iye ndokusara achichengeta mhuri oga.

“Ndakatanga basa rekuruka waya mugore ra2015 mushure mekumbotanga ndichishandira vamwe vanhu ndaona kuti mubatsiri wangu, murume, pakanga pasisina. Ndakazotenga muchina wekurukisa uyu ndokutanga kuita ndoga,” anodaro.

Anoti kunyangwe zvikaoma sei, mari yekuendesa vana kuchikoro neyekuti vadye nezvimwe vanoiwana kubva mubasa iri.

Pazuva anogona kuruka waya yakareba mamita 55 kana kudarika. Waya iyi anotengesa nemari yakasiyana zvichienderana nehukobvu hwayo iyo inobvira paUS$1,50, US$1,70 neUS$2 pamita imwe chete.

“Zvinorema semunhu wechidzimai asi ndiri kukunda. Ndine vana vatatu, apa baba vari kujeri. Zvinoreva kuti ndotosimba. Kuburikidza nebasa iri, dai ndaramba ndiri mupenyu vanosvika kwavanoda vana ava.

“Kune vanokwanisa kundibatsira nekuti ndiitewo mamwe mapurojekiti handirambe, mari ndiyo shoma nekuti vanhu havana mari mazuva ano.”

Chayakose anoti waya yake anoitengesa munharaunda yeMbare nekune vamwe vanobva kure.

“Basa iri raizivikanwa richiitwa nevarume chete kare kusvikira Hurumende yedu yakazotipa mukana wekuti tishande mabasa akaenzana izvo nhasi zvaita kuti tikwanise kurarama. Ndinoti kuvamwe vanhukadzi vangave shirikadzi kana kuti vane varume vakaenda kujeri seni, vasawore moyo ngavariritire mhuri kusvikira vana vapedza chikoro,” anodaro.

Mukadzi uyu anogadzira waya dzematanga enguruve, ehuku, neyekukomberedza misha. Mubasa rake anobatsirwa naEdgar Rundinde (40).

“Kune vanoda kupota vachishandisa muchina wangu kugadzirisa waya dzavo ndinohaisa apo ndinenge ndisingaushandise. Kune vanokwanisa kundibatsira ngavandibate panhamba dzinoti 0734 222 963 kana 0773 117 176,” anodaro Chayakose.

Chayakose anoshora mamwe madzimai anogarira mawoko opedzisira ave kuita mabasa akaipa sechipfambi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey