Vechidiki vobatsira kurwisa malaria

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Vechidiki vobatsira kurwisa malaria

Kwayedza

download (1)
Kingstone Mapupu

SANGANO rinoona nezvebudiriro yevechidiki munyika, reYouth in Development Trust (YDT), rinoti riri kushanda neHurumende mukurwisa kupararira kwechirwere chemalaria zvichitevera kunaya kwemvura yakawanda munzvimbo dzakatsaukana dzenyika. Sachigaro wesangano iri, VaMoses Mutyasira (39), vanoti vari kushanda nenyanzvi dzezveutano nekurerwa kwevana vachipa chenjedzo kuvanhu nekuda kwechirwere chemalaria pamwe nekuti vawanewo zvekushandisa zvakaita semambure (mosquito nets) nezvimwewo zvakakodzera mukurwisa dambudziko iri.

“Isu sevechidiki ndisu tichine simba saka basa iri tinoriita pachena tichishanda neHurumende nemasangano akazvimirira.
‘‘Tiri kufamba tichigovera mambure ekudzivirira humhutu kumatunhu akaita seMuzarabani, Mbire, Mt Darwin, Mutasa, Nyanga, Guruve, Mazowe, Chipinge nekumwe,” vakadaro VaMutyasira.

Vanoti sangano ravo rave nemakore mana richishanda neHurumende muzvirongwa zvekusimudzira utano hweveruzhinji.
“Nzira iyi inoita kuti Hurumende isaremerwe zvakanyanya nekuti isu tinenge tiripo kuita mabasa aya,” vakadaro.
Mamwe masangano avanoshanda nawo anosanganisira Population Services International Zimbabwe.

Vanoti kune dambudziko guru ravanosangana naro rekuti vamwe vanhu havadi kushandisa mambure kudzivirira kurumwa nehumhutu sezvo vachiti anovava vamwe vachiashandisa mabasa akaita sekuredzesa hove.

“Tinofambawo tichifirita mudzimba nemuzvimbuzi uyewo kukurudzira vanhu kuti vacheke huswa pedyo nemisha yavo nekuita kuti matanga avakwe kure nedzimba pamwe nekuvhara makomba anojenge mvura.

“Tikasvika munzvimbo tinoenda kumakiriniki nezvipatara zviri pedyo, toona madzishe nemakanzura kusanganisirawo masabhuku tozotanga kushanda navo.
“Donzvo redu tinoda nyika isina zvirwere zvinoita kuti isu vechidiki tikwanise kushanda zvakanaka,” vakadaro VaMutyasira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey