Uncategorized

Vogadzira masofa kuNorton

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Vogadzira masofa kuNorton Tapiwa Chimuka (kurudyi) akagara pasofa apo mumwe mushandi wePM Investments, Lanshaw Shamu, aipedzisa kugadzira rimwe sofa nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Justin Mutenda

Kwayedza

Tapiwa Chimuka (kurudyi) akagara pasofa apo mumwe mushandi wePM Investments, Lanshaw Shamu, aipedzisa kugadzira rimwe sofa nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Justin Mutenda

Tapiwa Chimuka (kurudyi) akagara pasofa apo mumwe mushandi wePM Investments, Lanshaw Shamu, aipedzisa kugadzira rimwe sofa nguva pfupi yadarika. – Mufananidzo: Justin Mutenda

VAGARI vemuNorton nevamwe vari munzvimbo dzakapoteredza dhorobha iri havasisina dambudziko rekuenda kunotenga midziyo yakaita semasofa nemibhedha yemhando yepamusoro kunzvimbo dziri kure sezvo zvave kugadzirwa nemumwe muzvinhabhizimisi ari kusimukira weko.

Zvinhu izvi zviri kugadzirwa nekambani yePM Investments, inova yaVaPhineas Mutapiri.

Kambani iyi yakavambwa mugore ra2015 uye iri kuNharira, mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuNorton.

Nekuda kwemabasa ari kuitwa nekambani iyi, vamwe varimi vari mubhindauko remapuranga vave kuwana chouviri nekutengesera kambani iyi. Muridzi webhizimisi iri anonzi anoshandira kuNyanga.

Tapiwa Chimuka (26), uyo anova general manager wePM Investments, anoti VaMutapiri inyanzvi munyaya dzekuveza uye mamwe emapuranga avanoshandisa vanotenga kuvarimi vari munharaunda yeNorton.

“Tiri kutsigira vamwe vedu mubhizimisi vemuno muNorton nevekunze uyewo kune vanoda kurongerwa zvemichato nekushongedzerwa dzimba, tinoita zvose. Tinogadzira masofa ematehwe chete, mibhedha, magonhi nezvimwewo,” anodaro.

Chimuka anoti vagari vemuNorton havachatambura nekutsvaga motokari dzekutakurisa masofa avo sezvo vave kuatengera pedyo.

“Hatina watinosiya kutsigira mubasa redu kubvira kuvarimi sezvo tichitenga mapuranga muno ivo vachititengerawo. Vamwe vanhu vari kuwana mabasa pano sezvo tiine vashandi 9 uye tinotarisira kuwedzera nekufamba kwenguva,” anodaro Chimuka.

Anokurudzira vamwe vane mabhizimisi akasiyana kuti vashandise zvinhu zvemuno kwete zvekunze achiti zvinokonzera kudzikira kweupfumi hwenyika.

“Kune avo vanoda kutenga zvishoma nezvishoma, tinobvuma kudzimara vapedza panguva yatinotarirana,” anodaro Chimuka.

Kambani yavo, anodaro Chimuka, inoendesawo zvigadzirwa zvayo kune vezvitoro zvikuru.

“Masofa edu kuno kufekitori anoita US$1 000 kusvika US$1 200 asi masofa mamwe chete aya akahodhwa nevezvitoro zvikuru vanosvikoaita U$2 700 kana U$3 000. Saka tinoti Zim-Asset ndeye kugadzira chinhu chakanaka, vanhu vochitenga nemitengo isingarwadze.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey