Uncategorized

Vopaka mota neEcoCash

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Vopaka mota neEcoCash

Kwayedza

KAMBANI yeEconet Wireless yobatana nekanzuru yeguta reHarare mukurerutsira vatyairi vanoda kupaka motokari dzavo mukati meguta sezvo vave kukwanisa kubhadhara mari kuburikidza neEcoCash pasi pechirongwa cheEcoCash Ta!

Chamangwiza weEconet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti vanofara zvikuru nechirongwa chitsva ichi.

“Tinonzwa kuzvininipisa uye tinotenda kambani yeCity Parking (Pvt) Ltd nekuda kwechibvumirano chataita ichi. Tatora danho iri nechinangwa chekurerutsira makasitoma edu uye tichifambiranawo nezviri kuitika muchikamu chezvemari,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naNatalie Jabangwe-Morris, uyo anove general manager weEcoCash achiti: “Hapasisina chikonzero chekuti makasitoma edu agare akatakura mari yekubhadhara kana vachida kupaka motokari dzavo.”

Anoti nzira yekubhadhara neEcoCash iyi iri nyore uye haitore nguva yakareba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey