Uncategorized

vorumwa nezikatsi

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
vorumwa nezikatsi

Kwayedza

. . . vana kutorovha kuchikoro
. . . vamwe kusara nemaronda

Kingstone Mapupu —
KATSI iri kwaMungate, kuDomboshava, yakasiyana nedzimwe. Yaonesa vanhu ndondo nekuvaruma zvose nembwa dzavo.

Mashura aya ari kuitika mubhuku raKadzviti, kwaChinhamora, uko vagari veko vanoti vari kurumwa nekatsi — vamwe vachitosara vava nemaronda, vamwe vachipona nekuzvivharira mudzimba.

Kune imbwa dziri kunzi dzakarwiswawo nekatsi iyi dzikasara dzava nemaronda. Katsi iyi — iyo inonzi ihono —svondo rapera yakaita muswere wezuva rose yakarindira pamusiwo wemba yainge yakahwanda imwe mhuri apo yaida kuruma vanhu ava mushure mekunge yatanga yadzandabvura kuruma amai vepo pagumbo.

GUMBO RAKARUMWA

Mutevedzeri waSabhuku Kadzviti, VaLuckmore Kadzviti (29), vanoti vagari vemusha wavo vari kushushikana nemaitiro ekatsi iyi.

“Takaudzwa kuti kune katsi yamuka chibhebhenenga nekuruma vanhu apo yakatanga nekuruma mumwe mudzimai pamba pake, ikasiya yamukuvadza gumbo. Yakazorumawo vamwe vanhu vangangosvika vanomwe, nekurwisa imbwa. Vamwe vanhu vayakarwisa ndevayaisangana navo,” vanodaro.

Svondo rapera, katsi iyi inonzi yakaswera zuva rose yakagaririra pamusuwo wemba yemhuri yekwaYonasi izvo zvakaita kuti vana vepo varovhe kuchikoro sezvo vakashaiswa mukana wekubuda mumba.

Vanhu vaive vakazvivharira mumba ava vanonzi vaitopihwa kudya nevamwe vanhu nepahwindo riri kuseri kwemba sezvo zikatsi iri raiva rakavagarira pamusiwo.

Mai Mabel Yonasi (39) vanonzi ndivo vakatanga kurumwa nekatsi inhema iyi apo vaiva vakagara zvavo pamba pavo masikati emusi wa23 Kurume. “Ndakabva kuchechi kuMasikandoro ndokusvikogara zvangu pamumvuri pamba. Ndakazosimuka ndave kuda kunotora mwana wechikoro apo katsi iyi yakabva nekumashure kwangu ndokusvikondiruma zvekudzura nyama pachitsitsinho chetsoka yekuruboshwe. “Yakatoita nguva yakandiruma apo yainge yakandiswinya nemakumbo ayo. Haina kumbotiza asi yakanorara pedyo nedara rangu rendiro,” vanodaro vachiratidza pavakarumwa. Mai Yonasi vanoti pavakatizira mumba, katsi iyi yakatombovatevera. “Katsi iyi yakazorohwa nevanhu nematombo nerekeni apo yaizama kuvaruma zvisinei nekuti yairohwa zvakasimba asi ikatadza kufa. Yakatoruma imbwa mbiri dzikakuvara apo yaingotizira muchibage ichidzoka,” vanodaro. Katsi iyi, vanodaro Mai Yonasi,yakazoswera irere kumucheto kwechivanze chavo, pedyo nechibage, dakara kunze kwasviba.

“Hatizive kuti ndeyani uye yaitevera katsi hadzi yepamba pedu iyo takanga tabva nayo kwasekuru vedu kuNorton,” vanodaro Mai Yonasi.

Vanoti mashura aya akazokora muto musi weChishanu chakatevera apo katsi iyi yakafumira kuda kuvapindira mumba zvikaita kuti vaswere vakazvivhariramo.

“Musi uyu yaitomara gonhi ichichema ichida kupinda mumba mataiva. Hapana akabuda panze, takaitira tsvina neweti mumba.

“Chingwa chatakadya takaita chekupihwa nevamwe vanhu nepahwindo riri kuseri kwemba. Musi uyu vana vechikoro vakatorovha, katsi iyi ikazotiza kumazuva rodoka apo vanhu vawanda vainge vaungana pano.”

Mai Yonasi vanoti vanhu vakaswera vakazvivharira mumba nekuda kwekatsi iyi vanosanganisira ivo nevana vatatu vanoti Getrude Simonji (21), Anoline Simonji (14) naElias Simonji (7).

Vanotizve pane vamwe vanhu vakarumirwa nekatsi iyi pamba pavo vachiedza kuvanunura.

“Tave nefungidziro yekuti haisi katsi nekuti yaitemwa nematombo nerekeni isingatize uye yakaruma mitumba yembwa mbiri dzikatiza. Vamwe vanhu vari kufungidzira kuti chikwambo kana kuti chidhoma,” vanodaro.

Vanoti vakazoenda kunorapwa maronda ekurumwa nekatsi iyi kuchipatara cheRoyce icho chiri munzvimbo iyi.

“Vamwewo vakarumwa nekatsi iyi vanosanganisira Johanne Size naDaglous Mushamaenza. Ini ndatotanga kufamba nhasi (Chitatu svondo rapera) nekuda kwemaronda ekurumwa nekatsi iyi uye gumbo racho rakazvimba,” vanodaro.

Mai Yonasi vanoti vakatama kubva kuNorton pamwe chete nemurume wavo, VaDavid Simonji, kupera kwemwedzi waKukadzi gore rino vachinogara kuDomboshava.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waMai Yonasi sezvo akawanikwa aenda kubasa kuMazowe.

Zvakadai, Getrude Simonji anoti pamba pavo pave kutyisa kugara nekuda kwekatsi iyi.

Katsi iyi inonzi yakazongobva pamba apa mangwanani eMugovera svondo rapera asi inonzi iri kuonekwa munzvimbo iyi.

Masara Matanhura (27), uyo akabatsira vemhuri yekwaYonasi nekuvatengera icho akavapa nepahwindo, uyewo iye ndokurumwawo, anoti katsi iyi yaisada kuona chero munhu pamba apa.

“Musi wekutanga warumwa amai ava, takasvika pamba pavo tichitsvaga kudya kwetsuro. Ipapo katsi iyi yakasvetukira gumbo rangu ichibva yandiruma shangu yangu yekurudyi,” anodaro.

Nyasha Jonifati (19) anotiwo katsi iyi yakamutandanisa akanoponera mumunda wechibage.

“Ini ndakatoona mumwe mupfana achizhamba kuchema achirumwa nekatsi iyi, imbwa dzikatiza dzichirwiswa. Asi huku yaisava nebasa nadzo, chayaida vanhu nembwa,” anodaro.

Mumwe wevakarumwa nekatsi iyi, Cathrine Rushambwa (30), anoti akasangana nayo masikati mumugwagwa apo yakamuruma nekumutswinya pagumbo rekuruboshwe.

“Katsi iyi yakaramba yakandiruma nekunditswinya pagumbo ndikazoita yekurova ndokudonhera pasi ndikabva ndatiza,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti haana kuenda kuchipatara kunoropwa.

Loureen Kirevha (31) wemumusha uyu anotiwo vave kugara vakabatira hana mumawoko nekutya katsi iyi.

Kelvin Chirangeni (17), anove mumwe wevanhu vakarumwa, ane fungidziro huru yekuti nyaya iyi ine chekuita nemabasa ehuroyi.

“Ndakarumwa gumbo rekuruboshwe ndikakuvara. Zvinotyisa uye anofanirwa kuve mabasa ehuroyi aya,” anodaro.

VaSamson Kuyangepi (58), avo vakawanikwa neKwayedza vari mumusha uyu mushure mekunge vashanya kubva kwaMusikavanhu, kuChipinge, vanoti hakuna katsi isina zvakaigara inoita zvakadai.

“Hamheno kuno, asi kwedu zvakadai mabasa ehuroyi chaiwo. Mhuri iyi ngaifambe kana kuti dzimwe nguva ivo vane zvavanoziva.

“Seni ndinoiuraya, regai ndigosangana nayo. Dombo randinopotsera rinouraya mombe, yababa vangu ndakaitema ikafa ipapo ipapo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey