Uncategorized

Vorwira murume mudare

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MUMWE mudzimai anoti ari kushungurudzwa zvikuru neshamwarikadzi yemurume wake iyo inouya kumba kwake ichimutukirira.

Ngonidzashe Kareya akaudza dare reHarare Civil Court kuti Florence Majika ane tsika yekumushungurudza pose pavanosangana.

“Mukadzi uyu akange ari shamwarikadzi yemurume wangu zvino anouya kumba kwangu achindituka nemashoko asingaite. Anonditi ndiri h**re, ndiri kugara nemurume wake asi ini nditori mukadzi wemurume iyeye nekuti akatondibvisira roora.

“Akandiudza kuti handimbofi ndakagara zvakanaka nekuti ndakamutorera murume wake. Handizivi kuti imhosva here kuti ini ndini ndakasarudzwa nemurume wangu asi ndinoona sekunge ane godo nekuti ndakanobvisirwa mari.

“Handina kana mufaro changamire nekuda kwake,” akadaro Kareya.

Majika akati Kareya ainyepa mudare.

“Changamire, mukadzi uyu ari kuda kungofadza dare nekundinyepera. Chandinoziva ndechekuti ndakasvika pamba pavo ndichida kuona murume wake ndaisaziva kuti akazoroora nekuti anga asina kundiudza.

“Ndakatoendako ndichida mari yangu yandakamukweretesa achida kubhadhara mari yemendenenzi yemwana wake waanaye nemumwe mukadzi asiri uyu,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Kareya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey