Uncategorized

Vorwisa chirwere cheshuga

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza

SANGANO reZimbabwe Diabetes Association neMugovera uno richaita chirongwa chekufamba chinodaidzwa kuti Diabetes Awareness Walkathon kuAlexadra Sports Club, muHarare, nechinangwa chekutsvaga mari yekurwisa chirwere cheshuga pamwe nekucherechedza zuva reWorld Diabetes Day.

Mwedzi waMbudzi pasi rose unocherechedzwa sewekurwiswa chirwere cheshuga icho chiri kutambudza vanhu vakawanda.

Chirongwa chekufamba ichi chiri kutsigirwa nesangano iri rakabatana neLions Club of Harare.

Veruzhinji vachange vachiongororwa pachena chirwere cheshuga kuAlexadra Sports Club musi wa19 Mbudzi nekuChinhoyi musi wa26 Mbudzi.

Svondo rapera pamberi, sangano reZimbabwe Diabetes Association rakabatana nekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, muchirongwa chekufamba chinodaidzwa kuti Cancer Walk nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara.

Chirwere chegomarara chiri kutambudza vanhu vazhinji muZimbabwe pamwe nekutora upenyu hwevakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey