Vorwisa kutorwa kwezvinodhaka nemitambo

24 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
Vorwisa kutorwa  kwezvinodhaka nemitambo STANLEY Kavayi (kurudyi) aina Prophet Emmanuel Ngoshi.

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wenhabvu yevechidiki arizve sachigaro weMbare Junior League, Stanley Kavayi, obatana nekereke yeRoyal Assembly International Ministries mukusimudzira vechidiki kuburikidza nemitambo nechinangwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

Kavayi ari kushanda naProphet Emmanuel Ngoshi vechechi iyi uye vaviri ava vari kuronga mitambo inosanganisira nhabvu, netball, volleyball nebasketball senzira yekusimudzira matarenda evechidiki pamwe nekuvaendesa kuchikoro.

Kavayi, uyo anotungamira nekurairidza chikwata cheReal Stars Mbare, anoti kutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri zvakadai semutoriro, gukamakafela, crystal merth, mbanje nebronco kuri kukanganisa vechidiki zvakanyanya. Anoti dambudziko iri rapambirawo kuvanasikana sezvo vamwe vavo vave kutora zvinodhaka izvo zviri kukanganisa remangwana ravo apo vanozosvika pakupihwa pamuviri votadza kuenderera mberi nedzidzo.

“Tine vechidiki vakawanda avo ramangwana ravo riri kukanganisika zvikuru nekuda kwekutorwa kwezvinodhaka nezvimwe zvakasiyana. Vechidiki vakangosiiwa vasina zvekuita vari vega vanofuririka vopedzisira vave kutora zvinodhaka. Ipapo hupenyu hwavo hunoenda mudondo saka takabatana naProphet Ngoshi donzvo riri rekuti tiwanire vechidiki ava zvekuita tivabvise mukatsika kekutora zvinodhaka hupenyu hwavo hufambire mberi zvakanaka.

“Tiri kushanda nevasikana zvekare nekuti hatidi kuvasiya, tinoda kuti vawaniswe mikana seinongopihwa vanakomana. Vanasikana vazhinji vari kusiira chikoro panzira vapihwa pamuviri, saka tiri kuvasimudzira mune zvemitambo kuti vambosiye zvekufunga zvebonde izvo zvinoita kuti vapihwe pamuviri nguva isati yakwana,” anodaro.

Kavayi anoti vari kushanda zvekare nevaimbi vane mukurumbira vakaita saBaba Harare, Peter Moyo naMai Titi avo vanoshevedza vachidzidzisa vechidiki ava.

“Vaimbi vane izwi rine simba saka tinovashevedza nguva nenguva vachiuya kuzotaura nevatambi vechidiki vachivakurudzira kuti vagare hupenyu hwakachena, zvinobatsira mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka,” anodaro Kavayi.

Prophet Ngoshi vanoti danho iri vari kuritora nechinangwa chekuvaka vechidiki kuti remangwana ravo rive rakajeka.

“Zvinodhaka zviri kukanganisa vechidiki uye zvinorwadza kuona vachikanganiswa matarenda avainavo nekuda kwezvinodhaka. Saka donzvo redu kuvaka matarenda evanakomana nevanasikana kuti vaite zvemitambo tivabvise kune zvinodhaka zvinokanganisa zvakaita semutoriro, guka, crystal merth nezvimwe zvakawanda.

“Vana vakatanga kutamba mitambo, pfungwa dzekutora zvinodhaka hadzimbouye uye hupenyu hwavo hunotodzoredzeka zvakanaka,” vanodaro Prophet Ngoshi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey