Vorwisa mhirizhonga netsiva

21 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Vorwisa mhirizhonga netsiva Patience Matsara

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA dzetsiva dzechidzimai dzichamirira Zimbabwe mumutambo uyo vachabandana nevatambi vekune dzimwe nyika wekurwira kodzero dzevanhukadzi unozivikanwa nekunzi Kick Out Girl Child Abuse.

Mutambo uyu uri kurongwa neDeltaforce Boxing Promotions uye uchaparurwa nemusi weChishanu svondo rino apo vatambi ava vachazotatsurana munaMbudzi.

Shasha yetsiva ine mukurumbira – Patience Mastara – achirwira bhande reWBF Women’s International Super Bantamweight pamutambo uyu apo acharwa naJessica Mfinanga wekuTanzania.
Murairidzi waMastara anove zvakare mutungamiri weDeltaforce Boxing – Clyde Musonda – anoti pakatanga kunyuka denda reCovid-19, nhau dzekushungurudzwa kwevanhukadzi dzakawedzera zvikuru nekudaro mutambo uyu vakauronga nechinangwa chekupa chenjedzo pamusoro pekuipa kwemhirizhonga mudzimba pamwe nekusimudzira vanhukadzi vanotamba tsiva.

“Vanhukadzi vakatikoshera uye nyaya dzekushungurudzwa kwavo dzakatanga kuwanda zvikuru munguva yelockdown.
Saka chinangwa chedu kuti tisimudzire vanhukadzi vadzidze kuzvimirira kana kodzero dzavo dzave kutyorwa.

“Hatidi kunzwa nezvekushungurudzwa kwevanasikana saka mutambo uyu ndewavo wekuvarakidza kuti vakatikoshera, uchange ungori wemadzimai chete,” anodaro Musonda.

Mimwe mitambo ichatambwa munaMbudzi ichaona Cecilia Pitiseni achitatsurana nechimwe chizvarwa chemunyika muno Chiedza Homakama mumutambo weLightweight kuchitiwo nerimwe divi, Anisha Basheel wekuMalawi achasangana naBridget Mbabi wekuDemocratic Republic of Congo.

Musonda anoti mutambo uyu uchange uchitsigirwa neshasha yetsiva yechidzimai yekuCanada — Olivia Gerula — uyo ari kushanda chaizvo kurwisa nyaya dzemhirizhonga kumadzimai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey