Vorwisa zvinodhaka nebhora

26 Oct, 2023 - 20:10 0 Views
Vorwisa zvinodhaka nebhora Chikwata cheKuyamurana FC (vakapfeka yunifomu yeyellow) chakasangana neReal Stars mushure memutambo weChallenge Cup svondo radarika.

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu, Kuyamurana FC neReal Stars Mbare, zvakabandana svondo rapera mumutambo weChallenge Cup uyo waive nechinangwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki izvo zviri kukanganisa hupenyu hwevakawanda.

Mutambo uyu wakatambirwa kunhandare yeStodart kuMbare uye wakahwinwa neKuyamurana iyo yakakunda Real Stars 4-2 kumapena mushure mekunge wapera uri mangange 2-2.

Achitaura mushure memutambo uyu, mutungamiriri weKuyamurana FC – Munyaradzi Taundi – anoti chikwata chavo neReal Stars vari kurwisa kutorwa kwezvinodhaka kuburikidza nenhabvu.

Taundi anoti kuronga kwavakaita mutambo uyu neReal Stars kwaive kuedza kukwezva vakawanda vechidiki kuti vauye kuzoona nhabvu nekutambawo bhora pane kuswera vakangogara izvo zvinozoita kuti vamwe vafuririke vakazopedzisira vatora zvinodhaka.

“Zvichitevera kupera kwakaita ligi redu remuno reMbare Junior League, chikwata chedu neReal Stars Mbare takawirirana kuti tironge mutambo uyu weChallenge Cup uyo taida kuti titore mukana wekugara pasi nevatambi nevamwewo vechidiki vemunharaunda yedu kuti vabve mune zvinodhaka.

“Zvinodhaka zviri kukanganisa vechidiki, hupenyu hwavo huri kuenda mudondo saka ibasa redu vakuru kuti tirwise zvinodhaka izvi uye tirakidze vana vedu gwara rakanaka rekurarama naro hupenyu hwavo.

“Mazuva ano, vana vakangosiwa vari vega vari kufuririka vopedzisira vave kutora zvinodhaka hupenyu hwavo wozokanganiswa,” anodaro Taundi.

Anoti chinangwa chavo ndechekuti chirongwa ichi chitekeshere kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

“Chirongwa ichi tinoda kufamba nacho kunzvimbo dzakasiyana tosiya tachidyara kune zvimwe zvikwata kuti pese pavanoronga mitambo yavo uye painopera vatore kanguva kavanombogara pasi nevatambi voita hurukuro pamusoro pehuyipi hwekutora zvinodhaka.

“Hondo iyi yezvinodhaka tinofanirwa kuikunda chete,” anodaro Taundi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey