Uncategorized

Voshaiswa rugare nezvimbambaira

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Voshaiswa rugare nezvimbambaira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekuRushinga, kumuganhu weZimbabwe nenyika yeMozambique, mudunhu reMashonaland Central, vari kushushikana nekuda kwezvimbambaira izvo zvainge zvakadyarwa nemabhunu munguva yehondo yerusunguko rwenyika ino izvo zvavanoti zvapedza kuuraya zvipfuyo zvavo – kunyanya mombe.

Dambudziko iri rinonzi rakanyanya kutarisana nevagari vakatevedza muganhu unodaidzwa kuti Hilla Border Post.

VaEveristo Chiyokoto Nhete (67) vemubhuku raMeki, kwaMambo Makuni, avo vane mumwe musha zvakare kuChiwoko, kuTete kwaMambo Kalopola kudivi reMozambique, vanotsinhira nyaya yedambudziko rezvimbambaira.

Sango rezvimbambaira – Mifananidzo naTariro Kamangira

“Ini sachiremba wechivanhu, ndine misha miviri kuti kwaMambo Makuni, kuZimbabwe ndozotiwo kuno kuMozambique uko kwose kwandinorima. Tine dambudziko rezvimbambaira kuno, mombe dzedu dzapera ivowo vanhu vanokuvadzwa,” vanodaro.

Vanoti pakutinha mombe dzavo kubva kuZimbabwe kuendesa kunodzishandisa kuminda yavo yekuMozambiue, vanotodziisa tambo kuti dzisapinde mumasango mune zvimbambaira.

“Migwagwa yechivanhu kuno hatishandise kunze kweinofamba nemotokari iyo zvimbambaira izvi zvakabviswa. Masango ekuno azere zvimbambaira izvi uye ndowo masango anoganhura nyika mbiri idzi. Reko sango rinodaidzwa nekuti ‘no man’s land’,” vanodaro.

VaGodfrey Rushinga

VaChiyokoto vanoti varasikirwa nemombe nhatu nekuda kwezvimbambaira mushure mekunge dzaputikirwa. Nyaya iyi inotsinhirwa naSabhuku Chitokora, VaGodfrey Rushinga (84), vachiti vanogara vachityira kuputikirwa nezvimbambaira.

“Dambudziko rezvimbambaira iri takatarisana naro kubvira makore ekuma1970 apo hondo yaipisa kuno kusvikira nanhasi,” vanodaro. Kanzura wewadhi 22 munzvimbo iyi, VaMusafare Nyambani – avo vakataurwa navo panhare – vanoti Hurumende yakavimbisa kuti ichatora matanho ekubvisa zvimbambaira izvi.

“Tine vanhu vakaita zvirema kuno nekuda kwezvimbambaira izvi vadhuukirwa. Zvipfuyo zvakaita semombe zviri kufa zvatsika zvimbambaira.

“Vakuru vanotitaurira kuti kune chikwata chenyanzvi dzekubvisa zvimbambaira avo vakatangira kuMukumbura, vamwewo vachibva nekuChiredzi, koitawo vamwe vanonzi vari pakati kumuganhu weMozambique nekwaMutare nekuRwenya, Risitu nekuSango Border Post saka tinotarisira kuti zvichabviswa nekukasika,” vanodaro.

VaJustin Nhepera

Sabhuku Matanda, VaJustin Nhepera (56), vanotiwo kune masango akakura ayo vanogona kushandisa seminda, izvo zvisingakwanisike nekuda kwezvimbambaira.

“Masango aya ane ivhu rakanaka zvikuru rinokwanisa kuti vanhu varime vachikohwa, asi hazvikwanisike nekuda kwezvimbambaira,” vanodaro.

Munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe, mabhunu akacherera zvimbambaira kumiganhu yenyika ino senzira yekuti varwi vehondo vatadze kupinda vachibva nekuMozambique pamwe nedzimwe nyika dzakatipoteredza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey