Uncategorized

Votengesa makadhi ejekiseni reCovid-19

30 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Votengesa makadhi  ejekiseni reCovid-19 Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Victor Maphosa

VAMWE varapi vemumakiriniki nemuzvipatara zvemakanzuru anosanganisira eChitungwiza vanonzi vave kuita chikiribidi chekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni remushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuvanhu vasina kubaiwa.

Hurumende iri mushishi kubaya vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere ichi pasi pechirongwa chiri kuitwa pachena uye kne vanoda.

Zvisinei, kune vamwe vanamukoti vanonzi vave kuita chitsotsi chekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 nemari iri pakati peUS$25 kusvika US$50.

Kune vamwe vari kutenga makadhi aya nemukoto vaine fungidziro yekuti mukufamba kwenguva, achazodiwa pakufamba nzendo, mumabasa uye neavo vanoita mabasa ekuhodha zvinhu kunze kwenyika vachizotengesa muno.

Makadhi ari kutengeserwa vanhu aya akati siyanei neari kuwaniswa vanenge vabaiwa mushonga wekudzivirira Covid-19.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nemabasa ehuwori vachiti vachabatwa vachityora mutemo vacharangwa nemutemo.

“Vanhu vanofanirwa kumhan’ara nyaya dzakadai kuitira kuti mutemo uite basa rawo. Kune vamwe vanhu vari kutotora mukana wekuvepo kweCovid-19. Vanhu vakadai vanofanirwa kurangwa nemutemo,” vanodaro.

Munyori uno, mushure mekunge anyeverwa pamusoro pechikiribidi chiri kuitwa chekutengeswa kwemakadhi aya, akazvitsvaga ndokuzvionera.

Akanyepera kuve munhu anoenda kunohodha zvinhu kunze kwenyika achizozvitengesa muno ndokutaura nemumwe anoziva nezvenyaya yekutengeswa kwemakadhi aya.

Munhu uyu ndiye akazoenda nemunyori uno pakiriniki yeSeke South Clinic, kuChitungwiza, apo akasangana nemumwe mushandi wepo.

Mushure mekunge munhu uyu aita kuti munyori uno nemushandi wepakiriniki apa vazivane, munyori uno akapihwa kadhi raive risina kunyorwa zita iro raitaridza kuti akabaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 rekutanga nemusi wa25 Kukadzi 2021 uye rechipiri nemusi wa24 Kurume 2021.

Munyori uno akapa mushandi wepakiriniki uyu US$25 semubhadharo wekadhi iri uye ndokuudzwa kuti anofanirwa kunyora oga zvimwe zvinodiwa pakadhi iri zvinosanganisira zita rake.

Dr Tonderai Kasu, avo vanova Director of Health Services kukanzuru yeChitungwiza, vanoti havasati vatambira nyaya dzakadai dzehuwori uye ndokusimbisisa kuti kanzuru yavo haikurudzire huwori.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey