Uncategorized

Votyora mitemo yemumigwagwa

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Votyora mitemo yemumigwagwa

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) rinoti kubva nyika yatanga kuenda pa“lockdown” munaKurume, vanhu vakawanda vari kutyora mitemo yemumigwagwa inosanganisira kutyaira vasina marezinesi.

Vachitaura neKwayedza svondo rino, mutauriri weTSCZ, VaTatenda Chinoda vanoti mitemo yemumigwagwa iri kutyorwa inosanganisira vanhu vari kutyaira motokari vasina marezinesi nevamwe vanofamba nemotokari dzisina kutererwa.

Vanoti dzimwe motokari dziri kufamba mumigwagwa hadzitombotenderwa kuita izvi sezvo dzisina kukodzera.

VaChinoda vanoti izvi zvinogona kukonzera njodzi sezvo mumigwagwa yakawanda mapurisa vari kunyanya kutarisa matsamba ekufambisa kubva kuvatyaira vachisiya kubvunza marezinesi.

“Takaita ongororo kuti pakatanga lockdown apo vanhu vakanzi vasangofambe zvisina chikonzero, tikaona kuti vamwe vabereki vari kupa vana motokari dzavo kuti vatyaire ivo vasina marezinesi.

“Kuita uku kwakashata zvikuru uye imhosva nekuti mwana uyu akatsika munhu kana kuita tsaona mumigwagwa zvokonzera kuti vamwe vanhu vafe, vose mubereki nemwana vanoenda kujeri. Imhosva munhu kutyaira asina rezinesi.

“Kana mitero yemotikari haisi kumbokosheswa uye dzimwe dzacho hadzina kumira zvakanaka — dziye dzinonzi zvipoto dziri kungofamba,” vanodaro VaChinoda.

Vanoti kubva nyika payakaenda palockdown, zvakambobatsira zvikuru pakuderedza njodzi mumigwagwa kunyanya pamazuva 21 ekutanga apo vanhu vose vakambogara kudzimba. Asi nekunyevenutswa kwazoita matanho aya, njodzi dzemumigwagwa dzakatanga kukwira.

Vanoti kutaura kuno havasati vanyatsoziva kuti pafa vanhu vangani nekuda kwenjodzi dzemumugwagwa kubva nyika payaenda palockdown sezvo vachiri kumboshanda vakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police kuunganidza magwaro aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey