Uncategorized

VP votenda makambani

15 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
VP votenda makambani

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantino Chiwenga, vari kutenda vemakambani nekukurudzira vashandi kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19 uye ndokukurudzirawo vasati vabaiwa kuti vabaiwe majekiseni aya.

VP Chiwenga vakataura mashoko aya nemusi weChishanu chadarika apo vaizarura zviri pamutemo musangano wevakuru vemakambani weConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) 2021 Congress uyo wakaitirwa muHarare.

“Covid-19 yakativhura pfungwa zvakanyanya sezvo vazhinji vakauya nenzira dzakasiyana dzekuita nadzo bhizimisi. Vemakambani vakatsigira zvikuru panyaya yekurwisa chirwere ichi.

“Ndinotenda zvakanyanya vemakambani avo vakapa zvakasiyana nedonzvo rekuderedza kupararira kwedenda reCovid-19. Ndinoda zvakare kutenda kushingirira kwevemakambani nekushanda nesimba kwavari kuita izvo zvaita kuti vakwanise kuita mabasa avo zvisinei nekuti vakakanganiswa nedenda ranetsa iri,” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti vemakambani vakabatsira zvakare mukuvandudza zvirongwa zvekubaiwa kweveruzhinji kuburikidza nekukurudzira vashandi kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Vemakambani muri kuita basa guru nekuti zviri kutibatsira senyika kuderedza huwandu hwevanhu vanobatwa nedenda iri kana kufa naro. Ndinodawo zvakare kukurudzira vemakambani vane vashandi vasati vabaiwa kuti vavakurudzire kubaiwa nekuti senyika tiri kuda kuti vazhinji vabaiwe sezvo zvichitichengetedza kubva kunjodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechina (fourth wave),” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti pari zvino bazi ravo uye nyika iri kufamba nedingindira rekuti hapana asiri panjodzi yekubatira Covid-19 kusvikira munhu wose achengetedzwa kubva kuchirwere ichi (No one is safe until everyone is safe).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey