‘Wakamboda kuzviuraya, saka handikupe vana’

25 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
YAKAVE batai-batai mudare reHarare Civil Court svondo rapera apo mukadzi nemurume vaikakavadzana pamusoro pekuti ndiani ane kodzero yekuchengeta vana mushure mekurambana kwavo. Nyaradzo Bipi akazvuvira Nhamo Mudondo kudare iri achida kuti apihwe vana vake vatatu avo anoti akatorerwa pavakarambana achisiirwa mumwe chete.

“Baba ava vari kundishungurudza nekuda kwekuoma kwemoyo wavo zvekusvika pakunditorera vana vangu achinopa amai vake kuNyanga avo vakura uye vasinganyatsoona.

“Vana vandiri kutaura nezvavo vane makore ari pasi pe18 okuberekwa zvekuti nemaziviro angu, ini amai vacho ndini ndinofanirwa kugara navo,” akadaro Bipi.

Akati mwanasikana wake akazosvika pakutengesa yunifomu yake yekuchikoro achitsvaga mari yekuti auye kuzogara naye.
“Pandakamubvunza kuti akazviitirei, akati haana mbatya, zvokudya uye kana nguva yake yakwana semusikana pamwedzi, anorovha kuchikoro nekuti haana anomutengera zvekushandisa.

“Anoti paakaudza baba vake vakamuti havashande.
“Pandakaudza vamwene vangu kuti ndoda kuzoona vana, vakanditi ndisavafonera uye havadi kundionako saka handizivi kuti ndodiniwo kunze kwekungoti ndipihwe vana ivavo,” akaenderera mberi achidaro Bipi.

Mudondo akaudza dare kuti haadi kuti vana ava vatorwe kubva kuna amai vake nekuti mudzimai wake akambonwa muchetura achiti anoda kufa zvose nevana vacho.

“Amai ava ndakatya kuvasiira vana nekuti vakanditi vanoda kuzviuraya zvose nevana nekuti ndakavaramba.
“Ndakazoshamisika ndodeedzwa kumba kuya vanwa ivo voga mushonga vakazoponera kuchipatara ndokuona kuti zvaaitaura airevesa. Kuti ndimupe vana ndinotya,” akadaro Mudondo.

Akati vana vake vakagara zvakanaka naamai vake kumusha.
“Inyaya chete yekuti zvikoro zvemuHarare zvinodhura saka ndakavaendesa kumusha.

“Chandiri kungoona pana Nyaradzo ndechekuti pfungwa dzake dzinenge dzisisina kuita zvakanaka, anotoda kuti ambonoongororwa nanamazvikokota nekuti zvaari kutaura ndezvekunyepa,” akadaro Mudondo.

Bipi akabva amugamha achiti akamuudza kuti aive anwa muchetura mazuva avaigara vose apo akange asina kuuya kumba.
“Handina kubvira ndanwa poizeni ini, asi akanga asiri kuuya kumba ndokumuti ndanwa mushonga panguva iyoyo akabva adzoka kumba.

“Ndaiitira kuti auye aone kuti vana vake vakanga vaziya nenzara. Akandiendesa kuchipatara nechisimba asi ndakamuudza kuti ndakanga ndamunyepera uye kuchipatara kwacho vakatozviona kuti ndakanga ndisina kunwa saka iko zvino anoshandisa tsamba idzodzo kuudza vanhu kuti anotya kundipa vana nekuti ndakamboda kuzviuraya, kunyangwe kuhama dzangu,” akadaro.

Mutongi Babra Masinire akati vaviri ava vadzoke kudare musi wa30 Gunyana kuzonzwa mutongo wavo nekuti aida kupa mukana kunyanzvi dzinoona nezvemagariro evana (probation officers) kuti dziongorore magariro avakaita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey