‘Wakandizora njovhera’

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Mathew Masinge
MUKOMANA nemusikana vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare vachipomerana kuzadzana chirwere chenjovhera icho chiri kunetsa kuti chirapike.

Monica Saragado akaendesa aimbova mukomana wake, Lawrence Chinembiri, kudare reHarare Civil Court aine chikumbiro chekuti arapiswe chirwere chepabonde chaanoti akamupa.

“Changamire, mukomana wangu ndaimuda nemoyo wose. Asi ndaisaziva kuti kubvuma kushinha naye kwandakaita ndaitozvicherera guva rangu. Izvozvi ndayuwira nechirwere chepabonde chaakandizadza, ndaedza kuenda kunanamazvikokota asi hachisi kurapika.

“Chandiri kuda kwaari imari yose yandashandisa kuzvirapisa yava kusvika $450 nekushungurudzika kwandiri kuita zuva nezuva kunoda $5 000 zvichisanganisira mari yekuzorapwa pose pandadira”, akadaro Saragado.

Chinembiri akaramba kuti ndiye akazadza Saragado chirwere chenjovhera.

“Ndakazivana nemusikana uyu pakomboni yepakamba yemapurisa muno muHarare apo pane vanhu vakawanda vaaidanana navo. Ndakazoshamisika ava kunditi ndini ndakamupa chirwere.

“Handitozivawo kuti akachiwanepi nokuti ini handina. Ari kuda kungomora mari yangu, zvino neni haapabude ari kurevera dare rino nhema hake,” akadaro Chinembiri.

Mutongi Stanley Nyatsanza akapfuudza nyaya iyi mberi achiti Saragado anofanira kuuya neumboo hwemagwaro ekwachiremba anoratidza kuti ane chirwere ichi pamwe nemari yaari kushandisa mukuzvirapisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey