Uncategorized

‘Wakarara nechitunha changu’

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Wakarara  nechitunha changu’ Joseph Denga

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUNE mweya wengozi yemunhukadzi uri kupisa semoto kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, uchiti mukadzi uyu akafa nekupondwa nechikomba chake, icho chakazorara nechitunha senzira yekutsipika.

Mudzimai wekupondwa uyu ainge akaroorwa uye vaigara mubhuku rimwe chete nechikomba chakamuuraya – maMagaya.

Zvino ngozi iyi iri kuti yava kuda kuripwa, ichirondedzera zvakaitika pakupondwa kwemudzimai uyu nechikomba icho chinonzi chakazoshinha nechitunha.

Ngozi iyi inonzi haizi kutaura zita remudzimai akapondwa uyu kana kumusha kwake asi ichiti akapondwa naJoseph Mhirizhonga Denga (96).

Mweya uyu uri kubuda panaClayton Mhirizhonga Denga (24) anove muzukuru waJoseph.

Uri kuti mudzimai uyu akapondwa mushure mekudhumanisa Joseph nechimwewo chikomba zvisinei nekuti nyakupondwa uyu aiva mudzimai wemunhu.

Pakapondwa mudzimai uyu, panonzi pane nzira dzekushinha nechinangwa chekutsipika mweya wake idzo Joseph akaita apo anonzi akazorara nechitunha chake asati achifushira musango.

Nyaya iyi inonzi yakaitika kumakore ekuma1960 apo mudzimai uyu akasangana naJoseph kumapurazi ekuHarare uko kwakazoparwa mhosva iyi.

Joseph ari kubvuma kuti akaponda mudzimai wemunhu uyu mushure mekunge amudhumanisa nechimwewo chikomba, asi anoramba kuti akarara nechitunha chake.

“Kuuraya zvechokwadi ndakauraya mukadzi aiva girlfriend yangu ndichimuti aiwanzirei varume. Taiva kuHarare, kwaMorosi kwandakamupondera asi handichaziva zita rake. Zvaingova zvekusangana chete apo ndaichera jecha murwizi Hunyani ndichitengesa.

“Ndamuuraya, handina kurara naye sezviri kutaurwa nemweya uyu, asi kuti ndakangosiya chitunha musango. Ndakazosungwa ndikatongwa uye ndikazopika makore mashanu nemwedzi mina kujeri reChikurubi.

“Hurumende yakandiranga, handina ngozi ini, ndakapihwa chirango changu. Handizive kuti mweya uri kusvika uyu ndiwo wemukadzi wandakaponda here, handichazviziva ini,” anodaro Joseph.

Harahwa iyi iri kuti hapana mweya wengozi unoinetsa.

“Handina mweya unondinetsa ini, ndigere zvakanaka zvikuru. Ndinoti kupika kwandakaita zvakatopera. Izvozvi vave kundishungurudza, vanoda kuti ndigare kupiko? Ari kubatwa nemweya uyu, Clayton muzukuru wangu mwana wemwana wangu,” anodaro Joseph.

Felix Makoni (36) — uyo anova sekuru vaClayton hanzvadzi yaamai — anotsinhira dambudziko remweya wengozi wanetsa pamuzukuru wake.

“Mweya uyu wakangotanga kubuda kumuzukuru uyu uchiti, ‘ndakauraiwa naJoseph Mhirizhonga Denga, ndaidanana naye asi ndokundiponda’. Unoti ‘ndafa, akazorara nechitunha changu kundiita mukadzi katatu, akazondiisa mari pachipfuva senzira yekutsipika mweya wangu ndokuenda nayo kun’anga akazonoirasa musango’.

“Mweya uyu unoti zvakare, ‘Joseph akazosiya mutumbi wangu musango, saka ndinoda kuripwa, ndiri mwana wemuKorekore chaiye hamundigone amai vangu zvakare muKorekore’,” anodaro Felix Makoni.

Felix Makoni ihanzvadzi yaMaria Makoni anova amai vaClayton.

Zvinonzi Joseph akadhumhana nechimwe chikomba pamudzimai waaidanana naye uyu, ndokunetsana apo chimwe chikomba ichi chakazotiza iye ndokuzosara achirova shamwarikadzi yake iyi musango ichibva yafa. Ndipo panonzi akazoita bonde nechitunha chake.

“Mweya uyu hausi kutaura zita remufi chairo uyewo nekwaanobva kana gore chairo rakaapondwa. Tinoda kuti mweya uyu ubviswe pamuzukuru wedu nekuti ari kunzi akaita mhosva iyi mupenyu, ndisekuru vake chaivo.

“Asi padare remusha rakaitwa nevedzinza rekwaDenga, Joseph Mhirizhonga Denga akabvuma kuti akarara nechitunha chemukadzi uyu achiti aiva agumbuka nekudhumaniswa uko vakaitwa zvisinei kuti ngozi iri kuti yakatsipikwa nemishonga nekurara uko kwakaitwa nechitunha ichi,” anodaro Felix Makoni.

Hazvifadzi Mukanya (32) – uyo anova muroorazukuru pamusha paDenga – anoti nyaya yengozi iyi yapesanisa vanhu mumusha mavo.

“Ngozi iyi payakabata mwana uyu, akauya kuno kumba kwedu kunasekuru vedu vanonzi ndivo vakaponda. Sekuru vanonzi vakabvuma nyaya iyi, vachiti vaimuziva mudzimai uyu zvisinei nekuti havachaziva zita chairo remudzimai wavakaponda,” anodaro.

Anoti vanhu vakazoungana semusha vakaenda kun’anga uko vakanzi vazodzoka zuva raitevera.

Asi vakatadza kuwirirana vakarwisana apo Joseph anonzi akazorohwa naClayton kuburikidza nemweya wengozi uri kusvika uyu ndokukuvara.

Pamhirizhonga iyi, Mukanya anoti

murume wake, Admire Makamba (39), anovazve muzukuru waJoseph, akazorumwa kumusana naamai vaClayton neshungu dzekurwadziwa nemweya uri kusvika pamwana wavo.

Makamba anotsinhira kurumwa kwaakaitwa pabongozozo iri achiti akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMurehwa.

Mapurisa anonzi akakurudzira vemhuri iyi kuti vagare pasi voona kuti vangagadzirise nyaya iyi sei uye murunyararo.

Kune vanhu vaviri vanonzi vari kubatwa nemweya wengozi yemukadzi uyu, sezvo kunze kwaClayton kuchinzi kune musikana wekwaChidziva vemumhuri yanaJoseph ari kupoterwawo nemweya uyu.

VaCharles Mhirizhonga Denga (76) vanotsinhirawo vachiti: “Mukoma Joseph Mhirizhonga Denga chokwadi vakaponda munhu vakaenda kujeri, izvo vanobvuma. Mweya uyu uri kusvika kumuzukuru wedu saka zvave kuda kuti vanhu tifambe.”

Clayton anoti zvave kutomunetsa nekuti akatsikwa nemotokari munguva yadarika zvaaisanganzwisisa, izvo zvaanofungira kuti zviri kukonzerwa nengozi iyi.

“Ini handizive zvandinotaura kana mweya uyu wasvika. Asi ndichitaurirwa, zvinonzi ngozi iyi inoti, ‘wakandiuraya ukazorara nechitunha changu kuita bonde saka muchandiguta ndiri mwana wemuKorekore akakwana uye amai vangu muKorekore zvakare, maiedza kunditsipika zvino hamundigone’,” anodaro.

Clayton anoti anoda kuti mweya uyu ubviswe paari nekuti handiye akapara mhosva iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya yekunetsana kwemhuri iyi nekuda kwemweya wengozi uyu.

“Nyaya iyi yakasvika kumapurisa edu ekwaMurehwa mushure mekurohwa kwemurume uyo anonzi akaponda shamwarikadzi yake iyo inonzi ine mweya wengozi wave kubuda.

‘‘Akapika jeri murume uyu, kana yave ngozi mhuri iyi ngaitaurirane nenzira dzechivanhu chavanogona kutevedza pasina kushungurudza harahwa iyi. Vanhu vakatora mitemo kuisa muhomwe dzavo isu semapurisa tinovasunga,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey