Uncategorized

Wanano ye‘Diaspora’ inoita here?

21 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
Wanano ye‘Diaspora’ inoita here? Sekuru Mutanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AMAI Tarisai (risiri zita ravo chairo) vagara munyika muno nemhuri yavo kwemakore gumi mushure mekuzopedza zvidzidzo zvavo zvehudhokotera vachibva vangoita rombo rakanaka rekuwana basa kuUnited Kingdom.

Mudzimai uyu anopinda mudenga rechinomwe nemufaro uye achisvika kumba, anozivisa murume nevana vake vatatu nezvekuwana kwake basa iri zvova zvinobva zvagamuchirwa nemhuri yake.
Murume wavo anobva akwereta mari kubhengi yekuti mudzimai wake akwanise kutenga tiketi rendege rekuenda kuUK kunoshavira mhuri sezvo vamwe vana vavo vachiri vadiki, vari kuenda kuzvikoro zvebhodhingi zvinoda mari yakawanda iyo iri kuvanetsa kuiwana.

Rwendo urwu rwunobudirira asi takatarisa nyika yakaenda mudzimai uyu, UK, hasvisi nyore kuti vanhu vari murudo vagozogara vachishanyirana.

Mwedzi nemakore zvinopindana, mudzimai uyu achiriritira mhuri yake apo anotumira mari mwedzi nemwedzi wega-wega.

Asi, wanano yemhando iyi yekuti mumwe ari muZimbabwe apo mudikani wake ari kunze kwenyika inoramba ichiendeka here?
Kwayedza inokurukura nevanhu vemazera akasiyana-siyana avo vanopa mafungiro avo pamusoro penyaya iyi.

“Kuenda kune dzimwe nyika kunoshava handioni sechinhu chakaipa nekuti zvinhu zvakaomera munhu wese uye munyika muno zvinhu zviri kungoramba zvichikwira. Asi, nyaya yekuzorovera kunze kwenyika iyi ndoyakaipa nekuti kana zviya vanhu vachinzi vakaroorana zvinoreva kuti vanenge vachifanira kugara vese vachibikirana, kuwachirana nekupanana bonde. Saka murume kana kuti mukadzi ava kuchonera kunze kwenyika kwemakore mashanu kusvika gumi anenge achiti zviga zvewanano zvinenge zvichiitirwa kunani?” vanodaro Mbuya Martha Reid vekuChitungwiza.

Mbuya Martha Reid

John Tafirapapi (42) anoti hazvina kuipa kuenda kunze kunoshava.
“Kune vamwe vanhu vatinoziva vakaitirwa chipfambi asi nanhasi vagere vese nekuti hapana munhu paangadzokera bonde achisiya basa rine mari kunyika kwaari. Saka kana munhu achinge angonzwawo kuda bonde anoriita nevaanenge anavo kunyika kwaari nekuti chero ukadzoka kuZimbabwe hazvibetseri.

‘‘Inga wani kune vamwe varume kana vakadzi vanongoita gumbo mumba gumbo panze asi vachigara vose zuva nezuva? Kana munhu wakavimbika unoshingirira uchingopota uchifonerana nemumwe wako muchitaurirana. Kana uchinge waitawo mukana wemari unogona kutomutsvakirawo basa monogara mese kunyika yauri nemhuri yenyu zvotofamba. Kune vasina kuvimbika, hapana yekutamba vanotongosvika vachiita tsoro dzavakajaira pasina kana svondo. Saka isarudzo yemunhu,” anodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvekare nhengo yesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), Sekuru Elisha Mutanga, vanoti matambudziko ekurarama ndiwo anotuma vanhu kuti vapedzisire vaenda kunoshava kune dzimwe nyika.

“Kunyangwe mukatumira mari muriko muchiti ichengete vana, mari iyoyo inogona kudyiwa nevamwe vanhu saka hazvishandi zvachose.

‘‘Pamwe pacho mari shoma yaunowana uri muno uchidya nemhuri yako uchiona kuti yavaka imba yakati uye ikaita kabhizimusi kakati inotokosha kudarika kubirwa kuri kuitwa vamwe vanhu vari kunze kwenyika.
‘‘Unopedza makore gumi kana anoraudzira uchishandira zvausingaoni, ukazodzoka unofa neBp. Murume anogona kutodya mari yako neshamwarikadzi dzake achichengeta dzimwe mhuri nekuti chaanoda pamudzimai anenge asiri kuchiwana mumba.

‘‘Pafungei vanaamai nanababa kuti makore 20 amunopedza muriko, handiti munodzoka baba vatofa musana kana kuti mudzimai anoberekeswa vana nevamwe varume nekuti nyama dzedu idzi dzinonetsa kuchengeta kana kwemwedzi mishoma zvayo,” vaodaro.

Sekuru Mutanga navokurudzira mhuri kuti dzigare pamwe uye kuti kune vaya vanenge vanoshava vakurumidze kudzoka kana kuita hurongwa hwekuti mhuri dzitevere nenguva, wanano dzisati dzaparara.

Reverend Taylor Nyanhete vanova national director kusangano reZimbabwe Council for the Welfare of Children vanoti wanano inongoda kuti mhuri dzigare pamwe zvisinei nehurombo huri kuita kuti vamwe vanhu vanotsvaga mabasa kunze kwenyika.
“Kutsvaka chouviri hakuna kuipa asi chokwadi ndechekuti kuroorana kunoreva kugarisana pamwe chete vanhu vachivaka misha.

‘‘Zvekuparadzana kunoita vaviri vari muwanano, mumwe achinogara kwake ega, zvinoreva kuti imba inenge yatova padyo nekupararawo. Vana chaivo vanosara vachiita mombe dzemashanga vava kuputa mbaje, kuroodzwa kana kumitiswa nekuti vamwe vabatsiri avo vanotora chinzvimbo chako semubereki vanogumisira vatora mukana uyu kumbunyikidza vana.

‘‘Kusagarisana kwevaviri vari muwanano kunoparadza mweya wehumwe chete nekuti kuva nyama imwe chete hakurevi kuti muri hazvadzi nehanzvadzi,” vanodaro.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaMutare vanotaurawo nezvematambudziko anonyuka muwanano dzerudzi urwu.
“Nyaya dzekuparadzana hadzina chimuko nekuti mari kana chikafu chinotumirwa nevabareki handizvo bedzi zvinorera vana nekuti vanodawo rudo rwevabereki uye vabereki vanofanirawo kupanana rudo rwepanyama kwete rwepanhare.

‘‘Tine nyaya dzerudzi urwu kumatare edu apo vanhu vanourayana kana kurwisana mushure mekunge mumwe adzoka kubva kunyika yaanenge aenda achiwana murume atova neimwe mhuri kana kuti mukadzi achizotumira tsamba ari kwaari achiti akatoroorwa.

‘‘Zvakakosha kuti vanhu vagare pamwe chete uye kana munhu wawana basa kunze kwenyika, edzawo nepose paunogona kuti uronge mhuri yako iuyeko nenguva mugare pamwe, chemudzimu chikuwanei muri mose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey