Wenger akatsigira Ospina

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MANEJA weArsenal, Arsene Wenger, akatsigira kusarudza kwaakaita mubati wepagedhi David Ospina pamberi paPetr Cech zvichitevera kukundwa kwakaitwa maGunners 3-2 neOlympiakos mumutambo weChampions League.

Chizvarwa chekuColombia ichi chakazvinwisa ndokubatsira chikwata chekuGreece kutungamira 2-1 mutambo uyu usati waenda pahalf-time, chikwata ichi ndokuhwina kekutanga kubva mumitambo 12 yachasangana nezvikwata zvemuEngland.

Asi Wenger akaramba kuti akakanganisa kusasarudza Cech, uyo waakatenga kubva kuChelsea mwaka uno. Mutambo uyu wange wakakoshera zvikuru chikwata chake ichi muboka racho izvo zvazochisiya chichifanirwa kuwana zvibodzwa zvakanyanya mumitambo miviri inotevera apo chichasangana neBayern Munich.

“Ndini ndinosarudza kuti ndiani anotamba, ibasa rangu,” akadaro Wenger.

“Uye ndinoziva zvimwe zvinhu zvamusingatarise munhabvu.

“Haungasarudze chikwata nekuda kwezvinenge zvataurwa nevanhu mutambo usati watanga. Ospina akatamba mitambo 19 mwaka wadarika uye 14 yacho haana kumbobvira anwiswa. Svondo radarika kuTottenham akatamba zvinodadisa. Hapana mubati wepagedhi asingakanganise. Zvaigona kungoitika kuna Cech izvi, zvinowanikwa munhabvu.”

“Handikuudzei kuti sei, handidi kugara pano ndotsanangudza zvose zvandinenge ndaita. Ibasa renyu imi kuti mufunge kuti sei ndazviita.

“Iye Cech akambovhunduka mbichama svondo radarika mumutambo weLeicester, handina kuda kutora danho raizokanganisa, asi hazvisirizvo zvatikundisa”.

Wenger akaenderera mberi ndokuti kuhwina kweOlympiakos uko kunogona kutadzisa Arsenal kubuda muboka rawo iri kekutanga kubvira paakatanga kurairidza chikwata ichi mugore ra1996, kwakakonzerwa nekutadza kuvhara bhora kwavo uye vaive nemunyama. — Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey