Wenger oda kuti Podolski arambe ari muchikwata chake

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MANEJA weArsenal, Arsene Wenger, anoti Lukas Podolski anoda kuti arambe ari muchikwata chake zvichitevera nyaya dziri kubuda dzekuti mutambi uyu anogona kuenda muna Ndira.
Podolski, uyo ane makore 29 okuberekwa, aive muchikwata cheGermany chakahwina mukombe weWorld Cup kuBrazil gore rino.

Haana mufaro wakanyanya kuchikwata chake uko kwaasiri kunyatsotamba sezvaanotarisira.

Podolski akatsutsumwa zvikuru apo akachema-chema kuti haasi kuwana nguva yakakwana yekutamba nhabvu ndokuti achaona zvekuita mugoredzva.

Zviri kunzi anogona kudzokera kunotambira nhabvu yake kuBundesliga, uko zvikwata zvakawanda zviri kuda kumutenga pamwe nekumupa nguva yaanoda yekutamba nhabvu.

Nguva yekutengeswa kwevatambi haisati yasvika, asi Wenger anoti Podolski acharamba ari mumwe wevatambi vaanodisa kuchikwata chake.

“Zvinhu zvinozivikanwa izvi, nguva yekutengeswa kwevatambi haisati yasvika.

“Kana isati yasvika, tese tinenge tichifambidzana tichiita zvinhu zvimwe chete. Ndozviripo. “Iri ibasa raunobudirira kana wakazvipira kuita zvaunenge wanzi uite.

\Haungarambe uri kuita izvi neizvo panguva imwe chete.

“Tese tiri kuda chaizvo kurwira zvibodzwa zvatinoda kuti tihwine uye Podolski mumwe watinotarisira kuti achabata basa,” akadaro Wenger. — Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey