Uncategorized

WHO yoti Zimbabwe iri mugwara

24 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
WHO yoti Zimbabwe iri mugwara Dr Alex Gasasira

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza
SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti kuwedzerwa kwakaitwa mazuva ekuti vanhu vagare kudzimba nekumbomira kufamba-famba neHurumende yeZimbabwe kunoita kuti pagadziriswe nyaya dzekuti nyika ikwanise kugadzirira kurwisa denda iri.

Mumiririri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanoti nzvimbo dzose dzekurapira dzinofanira kukwanisa kuongorora vanhu vanofungidzirwa kuti vane utachiona hweCovid-19, kuchengetedza vanofungidzirwa vari kwavo voga, nekurapa vanowanikwa vaine hutachiona hwacho.

Vanoti nzvimbo dzose dzekurapirwa dzinofanirwa kugona kutevera vanhu vose vakambosangana nemunhu anenge abatwa aine chirwere ichi.

“Zvose izvi zvinofanira kuwedzerwa. Nharaunda imwe neimwe inofanira kupihwa ruzivo rwakakwana kuti vasabatira hutachiona. Izvi ndizvo zvinofanira kugadziriswa kumiswa kwevanhu kufamba- famba kusati kwapera,” vanodaro Dr Gasasira.

Vanorumbidza Hurumende nekuwedzera huwandu hwemibhedha yevanhu vanenge vachirapwa Covid-19 kusanganisira vanenge vari muIntensive Care Unit.

Dr Gasasira vanoti WHO inovimba kuti zvizhinji zvichagadziriswa chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba chisati chadarika.

“Vanhu vasati vatanga kufamba-famba nekubuda mudzimba, Zimbabwe inofanira kunge yava kukwanisa kuona vane chiwere ichi nekukasika, kuona vose vanenge vakasangana nemunhu abatwa ainacho, kuona kuti vaiswa kwavo voga, kuongororwa nekutevedzwa kuona kuti varapwa vakapora.

“Izvi zvinobatsira kuti chero pakaita munhu abatwa ainacho, haakwanise kuparadzira hutachiona kune vamwe,” vanodaro Dr Gasasira.

Vanoti kunzi vanhu vabude mudzimba nekutanga kufamba-famba hazvireve kuti Covid-19 inenge yapera sezvo chirwere ichi chichizopera kana chawanirwa mushonga.

Dr Gasasira vanowedzera vachiti chero Zimbabwe ikakwanisa kuderedza kuparadzirwa kweCovid-19, kana kusati kwawanikwa mushonga wekuirapa, zvinoreva kuti chirwere ichi chinenge chichiri dambudziko guru kuutano hwevanhu.

“Kunoramba kuine njodzi yekuti chirwere ichi chinogona kungonyuka zvakare kubva kune dzimwe nzvimbo, saka kana pasati pawanikwa mushonga unobatsira kuti vanhu vasabatwe, Covid-19 inoramba iri dambudziko kuutano hweveruzhinji,” vanodaro Dr Gasasira.

Hurumende yakatotanga chirongwa chekuti vanhu vaongororwe Covid-19 nekukasika kumatunhu ose enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey