Uncategorized

Xenophopia: ‘Vanhu vekuSA musatidaro’

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Xenophopia: ‘Vanhu vekuSA musatidaro’

Kwayedza

Abel Ndooka naMalven Mugadzikwa

ZVIZVARWA zvemuZimbabwe zvinoti zviri kushushikana zvikuru nekuda kwehondo yemarudzi iyo yaona vanhu vemuSA vachidzinga, kuponda nekukuvadza zvizvarwa zvedzimwe nyika dzemuAfrica (xenophobia).

Kusvika pari zvino vanhu vashanu vafa, vamwe vakawanda ndokukuvadzwa uye misha yavo ikaparadzwa.

Pavanhu vashanu vakapondwa ava, vaviri vacho zvizvarwa zveZimbabwe.

Kwayedza svondo rino yaita hurukuro nevanhu vari kushora mhirizhonga iyi.

Anna Chiwanza anoti vanhu vekuSouth Africa vanofanira kutambira zvimwe zvizvarwa zvemuAfrica sevanhuwo sezvo Africa iri imwe chete.

“Ini handitsigiri kuuraiwa kwezvizvarwa zvemuAfrica kuSouth Africa, zvakashata. Ngavatambire vamwe vanhu vechitema sezvinongoitawo dzimwe nyika,” anodaro Chiwanza.

Mashoko ake anotsinhirwa naTafirenyika Zvawanda achiti, “Zvakaipa nekuti tese tiri vanhu. South Africa inyika yaitombovawo nematambudziko Zimbabwe ichitoibatsirawo munyaya dzekuda kuwana rusununguko uye kuti vanhu vatema veko vasadzvanyirirwe nevachena.

“Kuenda kuri kuita zvizvarwa zveZimbabwe ikoko nezvekune dzimwe nyika chiratidzo chekuti upfumi hwedu hauna kumira zvakanaka saka zvizvarwa zvekuSouth Africa zvinofanira kutitambirawo sevamwe vavo kwete kutiuraya vachiti tiri kuvatorera mabasa.”

Victor Chitsime anoti hazvina kunaka kuti vanhu vatema varambe vachiurayana nezvikonzero zvekuti upfumi hwedzimwe nyika hauna kumira zvakanaka.

“Kana vanhu vekuSouth Africa vasiri kufarira zviri kuitika munyika mavo vanofanira kuisa zvichemo zvavo kuhurumende yavo kwete kutora mutemo kuita wavo. Ko upfumi hwekuSouth Africa hukazotangawo kuderera vanozowana kupi mabasa uye vanozopoterawo kunyika dzipi kana vachipedza kuuraya vamwe vemuAfrica?” anodaro.

Mai Chipo Kaseke vanoti nyika dzemuAfrica dzinofanira kubatsirana uye kudyidzana nekusimudzirana munyaya dzeupfumi sezvo riri dunhu rimwechete.

Mutungamiriri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa svondo rapera vakashora mhirizhonga yemarudzi iri kuitika munyika mavo vachiti vanhu vanofanira kugarisana murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey