Uncategorized

‘Yaisava nyoka, mishonga’

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti murume wekufa kwaMusana mushure mekunge arova nyoka, yaisava nyoka chaiyo asi kuti mishonga yemabasa ehuroyi.

VaJonathan Shonhiwa Mupamombe (49) vekuTshovani, kuChiredzi vanoti aya mabasa ekuromba.

“Vanhu vemhuri iyi vakaona mumaziso avo senyoka, yaisava nyoka asi mishonga yevaroyi. Nedzimwe nzira, aitova mwana wemuroyi anoshandiswa mukuroya. Pakauraiwa nyoka iyi muridzi wayo akabva azviziva ndokubva atumira zvinhu kune akaiuraya achibva arohwa nazvo senzira yekutsiva,” vakadaro VaMupamombe.

“Chandinoda kuzivisa vanhu ndechekuti ngavasangorova nyoka zvisinei wasangana nayo musango kana kuti pamusha. Tsvaga vanoziva kuti chii usati watora danho nekuti dzimwe imhuka dzinoshandiswa nevatakati.

“Saipapa ndinoti dai mhuri iyi, kusanganisira neakarova wacho, dai vakazogeza miviri nemvura yavainge vasanganisa neweti yemwana mudiki zvisinei kuti mukomana kana kuti musikana. Izvi zvinobatsira pakufumura zvakaipa nekuti mwana mudiki haana chitema nemunhu.”

Vanoti mhuri ine murume akafa arova nyoka inofanira kutsvaga nzira dzinoita kuti mushakabvu apfukire vakamuuraya.

“Kune ruva rinonzi ‘mvuko’ iro rinowanikwa musango iro rinonodyarwa kumusoro kweguva. Munhu anomuka achangofa, saka zvinoda anovabatsira kuti vawane ruva iri voridyarirwa nemishonga anoenda kunorwa oga. Muridzi wenyoka iyi anouya oga kuzodura,” vakaenderera mberi.

Kunze kwazvo, vanodaro VaMupamombe, mhuri iyi inogona kufanogeza nechifumuro kuti vambosudurudza mhepo yakapinda mumusha mavo sezvo nyoka iyi inogona kunge yakasiya hunye.

VaBonface Katerere (62) vekuUzumba vakayambirawo veruzhinji kuti vasarove mhuka dzakaita senyoka nedzimwe dzavasinganzwisise vachiti zvimwe zvacho zvinovapa minyama. “Mhuka yoga-yoga kune dzemusango nedzevaroyi saka iwe hauzive kuti mhuka yaunenge uchirova iyi yakamira sei. Mumaziso munogona kuona nyoka asi uri mushonga,” vakadaro.

Vanoti murume uyu akatozviuraya oga nekuzvicherera guva kana akanokanda nyoka iyi muguru. “Pane mishonga inonzi tsandukwa yekuti unopanduka kuita mhuka, ingava nyoka, kamba kana imbwa,” vakadaro.

Vakapa muenzaniso wenyoka inonzi ndara kana mbadza iyo yavakati haisvike pamusha nhando sezvo ichishura.

“Hazvizivikanwe sezvo mhuri iyi isina kuziva mhando yenyoka yavakarova, inogona kunge iri mhando yenyoka mbiri idzi. Varoyi vanogona kushandisa kana nhunzi chaiyo nemakonzo pakuroya,” vakadaro VaKaterere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey