Uncategorized

Zb Bank yauya nezvitsva

21 Jul, 2016 - 12:07 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
BHANGA reZB Bank rakaparura chirongwa chakananga kurerutsira veruzhinji vanoda kutora kana kutumira mari kwakasiyana zviri nyore, cheZB Pauri/Khonapho Card. Vachitaura nevatori venhau pakuparurwa kwechirongwa ichi muguta reHarare, chamangwiza vebhanga iri, VaRon Mutandagayi, vanoti chine donzvo rekubatsira veruzhinji panyaya yekutora nekutumira mari.

“Kadhi iri rinotorwa nechero munhu zvisinei nezera kana nzvimbo zvakare neavo vasina kana maakaundi nebhanga redu. Vanhu vanokwanisa kutora kana kutumira mari vachishandisa nharembozha nemitsara (lines) ingave yeTelecel, NetOne kana Econet,” vanodaro VaMutandagayi.

“Zvakare vanhu vanokwanisa kutenga nekadhi iri muzvitoro, kubhadhara mari yechikoro neyekuzvipatara pamwe nezvimwe zvakasiyana.” Vanoti hapana mari inodiwa pakuti munhu awane kadhi reZB Pauri/Khonapho Card.

Bhanga ravo, vanodaro VaMutandagayi, rine nzvimbo dzinokwana 65 nevanhu vanoshanda vakavamirira (agents) vanosvika 6 000 munyika yose avo vari kufambisa chirongwa ichi.

“Chirongwa ichi tachiunza apo nyika iri kusangana nematambudziko ekushaikwa kwemari naizvovzo zvinorerutsa kutenderera kwemari muvanhu nemabhizimisi,” vanodaro. VaMutandagayi vanoti chinobatsira vose vagari vekumaruwa nemumaguta.

“Chirongwa ichi ndechemunhu wose zvakare nevana vechikoro tinovakurudzira kuti vapinde machiri. Tinotarisira kuti vanhu vachachigamuchira nemawoko maviri chichivabatsira mukuita zvose zvinoda mari,” vanodaro VaMutandagayi.

Vanoti kunze kwechirongwa ichi, vari kuvandudzawo mashandiro avo kuburikidza nekutanga zvimwe zvakaita sekuti veruzhinji vakwanise kubhadhara mari pamatoll gates pamwe nekutenga mafuta edzimotokari vachishandisa makadhi aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey