Uncategorized

Zb Bank yotsigira New Curriculum

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
BANGA reZB Bank rinoti rinotsigira zvizere chirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum, sezvo chichiita kuti zvikoro zvibure vana vane ruzivo rwakadzama rwekusimudzira nyika mune zvakasiyana-siyana.

Mashoko aya akataurwa nemukuru weretail kuZB Bank, VaEmen Sibanda, svondo rapera apo vaiva muyenzi mukuru pamhemberero dzeEpworth-Mabvuku-Tafara(EPMAFARA) District Merit Awards, muHarare.

VaSibanda vanoti chirongwa cheNew Curriculum chauya panguva yakanaka apo Zimbabwe iri kuvandudzawo upfumi hwayo.

“Tozviziva kuti munyika tine matambudziko akawanda, mamwe acho anova ekuda kuvandudza upfumi hwenyika yedu. Nekuda kweizvi, hatingagariri mawoko tichiti zvatiomera. Takaita rombo rakanaka kuti panguva yatiri kusangana nematambudziko aya, tinewo chirongwa chedu chedzidzo chakavandudzwa, cheNew Curriculum,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chirongwa ichi ndechimwe chezvirongwa zvekuti vana vechikoro vakadzidziswa nemazvo, vanozova nyanzvi mune zvakawanda zvinosanganisira kugona kuongorora matambudziko kuti tikwanise kusimudzira upfumi hwenyika pamwe chete nekumutsiridza indasitiri yedu.

“Ndinodawo kuvimbisa vezvikoro kuti isu seZB, tiri kutsigira zvakanyanya chirongwa cheNew Curriculum ichi nekuti chinoita kuti zvikoro zvibure nyanzvi mune zvakawanda.”

VaSibanda vanoti zvakakosha kuti nyika ive nevanhu vane ruzivo rwakadzama rwemabasa akasiyana.

“Kukura nekuvandudzika kweupfumi hwenyika mucherechedzo wekuti nyika inenge iine dzidzo yepamusoro inobura vanhu vane ruzivo rwakadzama pamwe chete nehunyanzvi mune zvavanoita. Zvese izvi zvinoita kuti nyika ienderere mberi pakuvandudza indasitiri yayo hunova hwaro hwekusimukira kweupfumi,” vanodaro.

VaSibanda vakapawo kurudziro kuvana kuti vadzidze nesimba.

“Munhu wese anoshuvira kuva neupenyu hwakanaka, kuva nehurongwa hwezvakanaka mangwana nezvinangwa zvinoda kuzadzikiswa uye kushingirira pazviri ndiwo mararamiro evanhu vazhinji. Izvi zvinogoneka bedzi kana vana vechikoro nevarairidzi nevakuru vezvikoro vakabatana mukusimudzira dzidzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey