Uncategorized

Zera rakakodzera kutyaira motokari

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tiri kutarisa nhau yezera rinotenderwa kutyaira mhando dzemotokari dzakasiyana nematanho anofanira kunge achitorwa kuti munhu ange achinzi ave kufanira kutyaira zviri pamutemo.

Mukushi wemashoko kukanzuru inoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mumigwagwa yeTraffic Safety Council of Zimbabwe, VaErnest Muchena, vanoti munhu asati akatanga kutyaira anofanira kuenda kunonyora bvunzo dzekuti ange achitora gwaro rekudzidzira kutyaira rinonzi Provisional Driver’s Licence (PDL) uye anofanira kupasa bvunzo idzodzo pasina tsvete.

“PDL inotorwa nemunhu ane makore gumi nematanhatu ekuberekwa zvichienda mberi. Kuti munhu akwanise kutyaira motokari diki anofanira kuve neClass 4 Driver’s Licence. Midhudhudhu inotyairwa zvakare nevane makore 16 okuberekwa uye mushure mekufundiswa nenyanzvi vaonekwa kuti vave kukodzera. Motokari dzinorema dzakadai sematarakita nemarori dzinotyairwa nevane makore 18 ekuberekwa zvichienda mberi,” vakadaro.

Vanoti mabhazi akakodzera kutyairwa nevane makore 25 okuberekwa zvichienda mberi uye vari vanhu vane zvitambi.

“Motokari dzose dzinotakura veruzhinji dzinofanira kutyairwa nemunhu ane makore 25 kusvika pa70 ekuberekwa uye anofanira kunge aine mamwe makore mashanu ekumashure ekugona kudhiraivha. Mushure memakore mashanu ega-ega, mutyairi iyeye anofanira kuenda kunovandudza matyairiro ake zvakare (re-test). Kufundira zvakare kutyaira uku kunogona kupaswa kana kufoirwa,” vakadaro.

Vakawedzera kuti gore negore vatyairi vose vanofanira kuenda kunovhenekwa maringe nenyaya dzehutano, zvikuru hwemaziso nenzeve sezvo iri iyo mimwe yemitezo yakakosha mubasa iri.

“Nzeve dzinofanira kunge dzichinzwa zvakanaka kana dzimwe motokari dzikaridza bhera kana kutaura kunenge kuchiitwa nevanhu vaunenge wakatakura uye maziso anofanira kuona zvakanaka kudzivirira tsaona mumugwagwa. Motokari dzose dzinotakura vanhu dzinofanira kunge dzakanamirwa magwaro e’medical test’ uye ‘defensive’ emutyairi necheparutivi rwefafitera. Imhosva kushaikwa kweizvi,” vakadaro.

VaMuchena vanoti magwaro ekufundiswa kutyaira (PDL) emandiriri anowanikwa kumahofisi eTraffic Safety Council Zimbabwe kwete mumigwagwa nekuti zvinopa vanhu mikana yekufundiswa zvinhu zvisiri izvo.

“Pakunyorwa kwebvunzo dzePDL, vanhu vanokurudzirwa kuenda kumapazi eVehicle Inspection Department (VID) kana vachinge vakunda votangisa kuitiswa zvidzidzo zvekutyaira izvo zvinoita kuti vawane zvitambi zvekutyaira. Zvitambi zvekutenga zvemanyepo zvine njodzi nekuti chakakosha kugona kutyaira zvakanaka kwete kuve nechitambi bedzi,” vakadaro.

VaMuchena vakakurudzira vanoda kudzidzira kutyaira kuti vaende kunoita izvi kuzvikoro zvinofundisa kutyaira zvakanyoreswa zviri pamutemo. “Tine zvikoro zvaifundisa kutyaira zvemanyepo izvo takasunga varidzi vazvo pamwe nevatyairisi vacho vashanu vari kuenda kumatare edzimhosva uko vari kutongwa nechikamu chemutemo wekuvamba chikoro chekutyaira chisina kunyoreswa zviri pamutemo,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey