‘Zifa mahumbwe’

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Zifa mahumbwe’

Kwayedza

Abel Ndooka
VATSIGIRI vechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors kubva kumativi mana enyika vari kudya magaka mambishi pamusoro pasangano rinoona nezvenhabvu  reZimbabwe Football Association (Zifa) nekutadza kugadzirisa kwarakaita nyaya yaJose Claudinei Georgini uyo anozivikanwa saValinhos izvo zvakazotuma Fifa  kutemera Zimbabwe zvirango zvekuti isakwikwidze mumutambo we2018 Fifa World Cup kuRussia.

Zvirango zvakatemerwa neFifa izvi zvakaona maWarriors achidzikira muWorld Ranking pakati pezvikwata zvedzimwe nyika sezvo akagara pechi124 pakugona  nhabvu pasi rose.

Munyika dzemuAfrica chete maWarriors agara pechi34.

Valinhos akarairidza maWarriors mugore ra2008 apo ainge apihwa basa rekutungamira Zimbabwe kuenda kuAFCON pamwe neWorld Cup ya2010 asi haana kupedza nguva ari pachigaro ichi sezvo akamiswa basa nekuti maWarriors aisatamba zvinogutsa.

Kubva paakadzingwa basa, chizvarwa chekuBrazil ichi change chichikakavadzana neZifa chichiti chinoda mari yacho yakasara iyo inosvika US$60 000 izvo zvakamutuma kuti amhan’are kuFifa achitsvaga rubatsiro.

Fifa yamboyambira Zifa kuti ibhadhare Valinhos mari yake asi haina kuita sekudaro.

Muhurukuro yakaitwa neKwayedza nevatsigiri vazhinji venhabvu svondo rino vaidya marasha vachiti Zifa yakange yauraya mutambo uyu.

Mutungamiri weFriends of the Warriors Tendai ‘T-Burns’ Zhakata anoti  panofanirwa kuita shanduko muZifa nekuchimbidza kuti zvibatsire nhabvu yemuno ifambire mberi.

Anoti nhabvu hapana kwairi kuzosvika kana Zifa ikaramba ichitungamirwa naCuthbert Dube pamwe naJonathan Mashingaidze uyo waakati haasi kuziva basa rake uye ndiye honzeri yekuti Zimbabwe itemerwe zvirango izvi.

T-Burns anoti kutemerwa kwakaita Zimbabwe zvirango neFifa kunonyadzisa zvikuru.

“Isu seFriends of the Warriors basa redu kutsigira maWarriors edu zvino kana asisachatambe nhabvu tichatsigira aniko?

“Zifa iyi yatiurayira nhabvu yedu uye yatinyadzisa zvisingaite pasi rose. Shuwa vangatadze kubhadhara $60 000 chete, chete?

“Mari yekuti maWarriors akatamba mutambo mumwe chete matove nayo uye kana manga musina motaurirana naye Valinhos kuti timubhadhare chidimbu chidimbu.

“Mashingaidze ndiye honzeri ndiye atipinza munyatwa iyi haasi kuziva basa rake,” akadaro T-Burns.

Akaenderera mberi achiti bhodhi reZifa riripo rinofanirwa kubviswa nechimbi-chimbi pogadzwa rimwe.

“Bhodhi riripo ngaribviswe pagadzwe rimwe rinofanobata basa pachimirirwa kuitwa sarudzo dzekugadzwa vamwe sezvo varipo ava hapana zvavari kuita zviri kubatsira kusimukira kwenhabvu yedu,” akadaro T-Burns.

Mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, Chris ‘Romario’ Musekiwa, anotiwo iyi inhoroondo yakaipa chaizvo yakonzerwa nebhodhi reZifa.

Anoti Zimbabwe ine vatambi vechidiki vari kusimukira vakaita saKnowledge Musona, Khama Billiart, Cuthbert Malajila, Kuda Mahachi naGeorge Chigova avo vari kutambira nhabvu kunze kwenyika uye vataitarisira kuti vaizosimudza mureza  wenyika kumutambo weWorld Cup.

“Isu sevatsigiri venhabvu takabatikana zvikuru kuti nhabvu yedu haingashungurudzwe zvakadai varume.
“Zvinorakidza kuti Zifa haisi kuziva basa rayo, vanofanirwa kurongeka pachokwadi uye panofanirwa kuonekwa shanduko kuti nhabvu yedu ienderere mberi.

“Kufa kwenhabvu yeZimbabwe uku uye inhoroondo yakaipisa chaiyo yatapihwa nekuda kwenyaya iyi,” akadaro Romario.

Zvakadaro, shasha yakambotambira CAPS United Masseti Zengeni anoti kutemerwa kwakaitwa Zifa zvirango izvi kuchabatsira kuunza shanduko huru munhabvu.

“Zvakaitika zvinorwadza zvikuru asi ndinozviona zvichizobatsira kuunza shanduko munhabvu yedu gore rino.
“Tange tave nenguva refu tichichema kuti tinoda kuona shanduko muZifa saka apa ndipo paichauya uye tinoda kuona vatambi vakambotamba nhabvu kare vachipinda mubhodhi reZifa vaitungamire vaunze shanduko munhabvu yedu,” akadaro Zengeni.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey