Zifa yasarudza Brito, munoti kudii?

21 Sep, 2023 - 17:09 0 Views
Zifa yasarudza Brito, munoti kudii? Baltemar Brito

Kwayedza

Abel Ndooka

BALTEMAR Brito, murairidzi weHighlanders FC, nhasi agadzwa kuve murairidzi mutsva wechikwata chenyika chemaWarriors.

Sangano reZimbabwe Football Association (Zifa) razivisa kuti Brito ndiye achange achitungamirira maWarriors uye kondirakiti yake ichapera munaChikumi 2024.

Brito achange achibatsirwa mubasa rake naBongani Mafu pamwe chete naGenesis Mangombe murairidzi weDynamos.

Vatsigiri venhabvu munoti kudii?

Muchinyorwa, Zifa Normalisation Committee inoti yasarudza kugadza vatatu ava mushure mekuita tsvakurudzo yakasimba.

Brito nevabatsiri vake vave kutotanga basa rekuumba chikwata chichanotamba neBotswana pamutambo wekupemberera kuwana kwenyika iyi kuzvitonga kuzere nemusi wa30 mwedzi uno.

“Zifa inoda kuzivisa nyika kuti yagadza Baltemar Brito kuve murairidzi mutsva wechikwata chevakuru chenyika kusvika Chikumi 2024. Achange achibatsirwa naBongani Mafu naGenesis Mangombe.

“Zifa inoda kutenda zvikwata zveHighlanders neDynamos izvo zvatendera varairidzi vazvo kuti vashandire nyika. Varairidzi ava vacharamba vaine zvikwata zvavo uye vachirairidza chikwata chanyika panguva yakafanira,” inodaro Zifa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey