Zim Cricket hutu kuSa

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Zim Cricket hutu kuSa

Kwayedza

Abel Ndooka —
CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai chakaenda kuSouth Africa uko chiri kunokwikwidza mumutambo we50-over quadrangular series nezvikwata zvinoti South Africa, India neIreland.

Mutambo uyu uchange uchitambirwa kudunhu reNorth West City kuPortchefstroom uye uchashandiswa neSouth Africa neIndia segadziriro dzekuenda kumakwikwi emutambo weICC Women’s World Cup uyo uchatambirwa kuEngland gore rino muna Chikumi uchizopera muna Chikunguru.

Zvakadai, Zimbabwe ichange ichishandisa mutambo uyu kuwanisa vatambi vayo mukana wekusimukira.

Zimbabwe Cricket women’s cricket co-ordinator Caroline Nyamande anoti mutambo uyu wakakoshera chikwata chavo sezvo uchavapa mukana wekuti vatambi vavo vakwenenzvere matarenda avo.

“Ndekekutanga kedu kushevedzwa kunokwikwidza kumutambo mukuru wakaita seuyu sezvo zvikwata zvikuru izvi zviri kubatsira kusimudzira mutambo wedu.

“Kwatiri zvakatinakira sezvo zvichitipa mukana wekutamba nezvikwata zvikuru zvakaita seIndia neSouth Africa,” anodaro Nyamande.

Mutambo weZimbabwe wekutanga uriko svondo rino nemusi weSvondo apo ichasangana neSouth Africa kuSenwes Park uye yozosangana neIreland musi weChipiri kunhandare iyi zvakare.

Mutambo wechitatu weZimbabwe uchazotambwa neChina kuPUK Oval kunove kwaichasangana neSouth Africa zvakare musi wa15 kozoti neIreland musi wa17.

Mutambo wekupedzisira weZim ichasangana neIndia kuSenwes Park musi wa19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey