Zim yonanga kuAfrobasket

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Zim yonanga kuAfrobasket

Kwayedza

CHIKWATA chebasketball chenyika chevarume svondo radarika chakaenda kuHamburg, kuGermany uko chiri kuita gadziriro chakatarisana nemutambo weAfrobasket Basketball Tournament uchatambirwa kuTunisia munguva inotevera.

Vatambi 14, kusanganisira murairidzi wechikwata ichi – Ellery Pinkerton – nemutevedzeri wake pamwe nanachiremba vaviri, ndivo vakaenda kunyika iyi.

Zimbabwe yakaiswa muGroup D mumutambo weAfrobasket uyu umo ichasangana neCote d’Ivoire, Cape Verde Islands neAlgeria.

Head of Protocol Media and Publicity weBUZ, Shinga Magede, anoti chikwata chavo chiri kushandisa mukana wekuenda kuGermany kunodzidza zvakawanda zvemutambo uyu.

Magede anoti kuGermany kune nhandare dzemhando yepamusoro nekudaro izvi zvichavabatsira mugadziriro dzavo.

“KuGermany kune nhandare dzebasketball dzakawanda dzemhando yepamusoro saka takazviona zvakakodzera kuti tiende timbonopedza svondo tiriko tichiita gadziriro dzedu.

“Tinoziva kuti zvichatibatsira apo takatarisana nemutambo weAfrobasket uyo tichatambira kuTunisia. Tichabvako tobva taenda kuTunisia kunokwikwidza,” akadaro Magede.

Mutambo weAfrobasket Basketball uchatanga musi wa19 Nyamavhuvhu uye uchitarisirwa kuzopera musi wa30.

Zvakadaro, zvikwata zvichahwinha kuTunisia ndizvo zvichakwanisa kuenderera mberi kumutambo we2016 Summer Olympics Basketball Tournament uyo uchatambira kuBrazil.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey