Zimbabwe yadzoka mumhuri yenhabvu

11 Jul, 2023 - 16:07 0 Views
Zimbabwe yadzoka mumhuri yenhabvu Warriors

Kwayedza

Abel Ndooka

ZIMBABWE nhasi yadzoserwa mumhuri yenhabvu yepasi rose zvichitevera kutemerwa kwayakaitwa zvirango neFIFA, CAF neCOSAFA makore maviri adarika.

Nhengo yeFIFA – Solomon Mudege – uyo anove FIFA head of development programmes muAfrica azivisa kuti zvirango zvainge zvakatemerwa Zimbabwe zvabviswa sezvo vasvika pakuwirirana nesangano reSports and Recreation Commission pamwe chete negurukota revechidiki nemitambo, Dr Kirsty Coventry, pamusoro pezvirongwa zvavaitarisira kuti zviitwe kuti zvirango izvi zvibviswe.

Mudege anoti muhurukuro dzavaiita neSRC, vawirirana kuti paumbwe komiti yeNormalisation Committee iyo ichatungamira ZIFA kusvika munaChikumi 2024 apo pachazorongwa kuitwa sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hutsva hweZIFA.

“Nhasi izuva guru munhabvu yeZimbabwe nekuti tinozivisa kuti zvirango zvainge zvakatemerwa nyika ino neFIFA, CAF neCOSAFA zvabviswa izvo zvinoreva kuti Zimbabwe yadzoka mumhuri yenhabvu pasi rose.

“Tine mufaro wekuti zvatainge takaudza SRC kuti iite kuti nhabvu yemuno idzoswe, zvose zvazadzikiswa uye pachange pane komiti ichambofanotungamira kusvika munaChikumi 2024 ichigadzirisa nhabvu yemuno,” anodaro Mudege.

Dr Coventry vanoti vagamuchira danho iri nemufaro mukuru vachiti zvirango zvainge zvakatemerwa Zimbabwe zvairwadza asi zvakakosha kuti nhabvu yemuno icheneswe.

“Patakatora danho rekumisa basa bhodhi ra(Felton) Kamambo (uyo aive mutungamiriri weZIFA) taiziva zvichauya mberi zvezvirango izvi, asi taiziva kuti tinoda kuchenesa mutambo wedu nekuti nhabvu mutambo mukuru unobatanidza nyika nepasi rose.

“Ndorangarira ndichitaura nemutungamiri wenyika President Mnangagwa ndichavaudza danho iro rataida kutora, vakanditsigira vakati endererai mberi muchenese mutambo uyu. Saka taive nerutsigiro pabasa rataiita rekuchenesa mutambo uyu,” vanodaro Dr Coventry.

Bhodhi raKamambo rakamiswa basa richipomerwa kusabata basa nemazvo uye dzimwe nhengo dzaro dzinonzi dzaishungurudza varidzi vepembe vechidzimai.

Normalization Committee itsva iyi ichatunganirirwa naLincoln Mutasa uye iine dzimwe nhengo dzinosanganisira Skumbuzo Ndebele uyo akambotamba nhabvu kuHighlanders, Rosemary Mugadza naNyasha Nyamandwe anove gweta.

Kudzorwa kwaitwa Zimbabwe mumhuri yenhabvu yepasi rose zvinoreva kuti chikwata chenyika chemaWarriors chave kukwanisa kukwikwidza nezvimwe zvekunze uye kupinda mumakwikwi akasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey